Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vechidiki Vopesana neTsika yeKuremekedza neKueresa Mwedzi waMbudzi


Munyori wemabhuku uye vachiongorora nyaya dzemagariro evanhu, VaTonderayi Matema.
Munyori wemabhuku uye vachiongorora nyaya dzemagariro evanhu, VaTonderayi Matema.

Apo nzvimbo dzakawanda munyika dzakatotanga chivanhu chadzo chekuremekedza kuera kunoita mwedzi waMbudzi, uyo unonzi pachivanhu wakatotanga kare pakagara mwedzi mavhiki maviri adarika, kune vamwe vechidiki vanoti havatendi kuti mune zvierwa zviri mumwedzi uyu, naizvozvo vanhu vanofanira kuzviraramira pamadiro.

Mutsika dzechivanhu, vanhu havabvumidzwi kuita zvakawanda mumwedzi waMbudzi zvinosanganisira mimwe mitambo kana mabiko akafanana nekuroora kana kuchata kana kurova makuva, kana kuita mapira, sezvo kuita izvi kuchinzi kunogona kukoka jambwa kana munyama mumhuri dzinenge dzatyora mhiko iyi kana kudunhu rinenge ratadza kuremekedza mhiko iyi.

Asi mukomana abva zera anogara kuChitungwiza, David Nhanda, anoti haawirirani netsika iyi.

“Zvinhu zvaiitwa kare kuti nguva yaMbudzi iyi, ndipo paiendwa kunokumbirirwa kuti mvura inaye. Asi makore ano handioni chinokonesa kuti tiroorane, tichate sezvo tsika iyo yaiitwa kare. Nditori nevanhu vandinoziva vakachata mumwedzi uyu vatova nemakore vachigara vese, uye hapana chakashata chandati ndaona chakaitika kwavari. Saka ndinoti itsika yekare, vanoda kuchata nekuroora munaMbudzi, ngavaite havo.”

Mumwewo musikana wechidiki anogara muHarare, Muzvare Rumbidzai Gwatinyanya, anotiwo vechidiki mazuvano havasi kukoshesa mwedzi waMbudzi sezvaiitwa makare.

“Vakawanda vari kungoroorwa nekuroora mumwedzi uyu. Munoziva kuti kucherechedzwa kwetsika iyi kunotanga munaOctober watiri uno, asi vazhinji vatiri kuona vachingoita mitambo yavo inonzi haibvumidzwi mumwaka uno. Mukunzwisisa kwangu, makare mvura yaitanga kunaya munaMbudzi, zvaireva kuti vanhu vainge vatanga kuita zvekurima, naizvozvo vaisada mitambo yaizovakanganisa mukurima kwavo, ndiko saka vakati mwedzi uyu unoera. Asi nhasi uno vechidiki vakawanda havazvikoshesi zvekuera kwawo.”

Asi murume wechidikiwo, VaSabelo Mkhuhlane vemuHarare, vanoti nekuti havazivi mhedzisiro yazvo, vanongotevedzerawo tsika yekuremekedza mwedzi waMbudzi iyi.

“Isu takangokura tichinzi mwedzi unoera, usingaitwi mabiko makuru; asi kuti zvakabvepi uye zvinorevei, handizivi. Saka nekutya munyama unogona kuuya nekusatevedzera tsika iyi, ndinongofambawo nepakafamba nevakuru. Ko ndikazoroora kana kuchata mumwedzi uyu, ndozowana zvinondiwana?”

Murapi anoshandisa mishonga yechivanhu uye vachikurudzira kuchengetedzwa kwetsika dzechivanhu, vanozivikanwa saMbuya Muchadura, vanoti zvakakosha kuremekedza mwedzi waMbudzi.

“Mwedzi waMbudzi unoera pachivanhu chedu, uye imhiko yakasiiwa nemadzitateguru edu. Vane zvavaive vatoona kuti kuita zvakafanana nekuroorana, kutizisana kana kuvakira makuva, zvisaitwe mumwedzi uyu. Kune vaya vanoda kupikisa tsika iyi, ndinoti kwamuri chisi hachieri musi wacharimwa, mangwana kana zvakuwana usazochema. Kana dziri dzimba hadzimiri, kana kuti unogona kuzvara mwana chirema.”

Munyori wemabhuku uye vachiongorora nyaya dzemagariro evanhu, VaTonderayi Matema, vanoti kunyange vechidiki vave kusatenda tsika dzechivanhu, humbowo huripo hunoratidza munyama unoita vanhu vasingaremekedzi zvierwa zvemwedzi waMbudzi.

“Semunhu akakurira kumusha kwazvainyanya kutevedzwa, ndakaona zvinobva mukusazvitevedza. Haisi nyaya yekuzvida kana kusazvida, asi ndizvo zviripo, saka ndinoti musaroore, musachata musarova makuva munguva ino. Hapana chaunobva nekungotevedza tsika iyi; zvakangofanana nezuva rechisi, vanhu vanongoricherechedza wani? Pane vandinoziva vakaroora muna Mbudzi dzimba idzodzo dzikashaya basa nekuti dzinenge dzakavakirwa pajecha, dzisina hudzamu hwemadzitateguru edu. Zvinhu zvevakuru zvinongoda kutevedzwa.”

Munyori mukuru kusangano remubatanidzwa wemakereke, reZimbabwe Council of Churches, Mufundisi Wilfred Dimingu, vanoti muchiKristu, mwedzi waMbudzi wakangofanana nemimwe mwedzi.

“Mwedzi uyu hauna zvaunazvo zvekuti tingakoshesa kuti une zviereswa kana kuti zvisingaitwi nekuti Bhaibheri ratinotevedza harina parinotaura kuti mumwedzi uyu pane zvisingaitwi. Tinoziva kuti patsika dzechivanhu, mwedzi uyu unokosha, asi pachiKristu, wakangofanana nemimwe mwedzi.”

Kunyange hazvo Mufundisi Dimingu vachiti mwedzi waMbudzi hauna zvaunoreva, vechitendero chavo vane mazuva avanoremekedza akaita seChristmas Day, Easter, Good Friday, Palm Sunday nemamwe.

Mwedzi waMbudzi unonzi unotanga kucherechedzwa mushure mekugara kwemwedzi, zvinova zvinowanzoitika pakati pemwedzi uno waGumiguru uri kupera nhasi.

Vaimbove mutungamiri wehurumende munguva yehurumende yemubatanidzwa uye vari mutungamiri weMDC, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, vakaripiswa nevaive Mambo Negomo, VaLucious Chitsinde, vekudunhu reMashonaland Central mugore ra2012 mushure mekupomerwa mhosva yekuroora Muzvare Locadia Karimatsenga-Tembo muna Mbudzi wegore raive radarika.

Kunyange tsika nemagariro evanhu zviri kushanduka nekupindana kwenguva, kune vanhu vakawanda munyika vanochengetedza tsika dzechivanhu uye vanokurudzira madzimambo, madzishe, masadunhu nemasabhuku kuti varange vanotyora mhiko iyi.

Asi vamwewo vari kuti hazviyeri vanoti kuranga vanenge vatyora mhiko iyi kumbunyikidza kodzero dzevamwe vanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG