Accessibility links

Breaking News

Musangano weSADC Woendeswa Mberi kuMugovera kuLuanda Vaamwe Vana veZimbabwe Vaine Tarisiro Yekuti Nyaya yeSarudzo Ichakurukurwa


Sachogaro weSADC vari mutungamiri weAngola, VaJoão Lourenço vazivisa kuti musangano weSADC wave kuzitwa Mugovera muLuanda.
Sachogaro weSADC vari mutungamiri weAngola, VaJoão Lourenço vazivisa kuti musangano weSADC wave kuzitwa Mugovera muLuanda.

Musangano wevatungamiri venyika dzemuSADC wepadandemutande, uyo wanga uchiitwa uchitungamirwa nasachigaro wesangano iri vari mutungamiri weAngola, VaJoão Lourenço, wanzi uchaenderera mberi musi wa 4 Mbudzi kuAngola mushure mekunge wasangana nedambudziko rekusafamba zvakanaka kwemishina yekushandisa.

Gwaro raburitswa nemahofisi eSADC kuBotswana mushure memusangano uyu rinoti musangano wekuAngola uyu uchapedzisa kuzeya nyaya dzasiirwa panzira dzinosanganisira dzerunyararo, kugadzikana pamwe nehutongo hwejekerere mudunhu reSADC.

Izvi zvatsinhirwa naVaGeroge Charamba, vanove mutauriri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Musangano uyu unonzi wanga uchifanirwa kukurukura nyaya yekusagadzikana kwedunhu reSADC.

Asi vana veZimbabwe vanga vaine tarisiro yekuti musangano uyu uchakurukura nezvemakakatanwa emafambisirwo akaitwa sarudzo dzeZimbabwe muna Nyamavhuvhu wegtore rino.

VaCharamba havana kuda kutaura kuti nyaya yeZimbabwe yataurwa nezvayo here kana kuti kwete patanga musangano uyu uye vanzvenga-nzvenga kutaura kuti chii chambokurukurwa nezvacho musangano uyu usati wasendekwa parutivi.

“Vachitaureyi nezveZimbabwe? Kuti tadii? Ko mapepanhau ndiwo anoseta ajenda yedu here? Ndiani ati pane zvichataurwa neSADC? Imwi munongoita zvamunoita isu tichingoita basa redu rekutonga nyika,” vandaro VaCharamba vasati vaputika kuseka.

Musangano uyu uchitanga, VaLourenco vanonzi vakorokotedza VaMnangagwa pamwe nemutungamiri weEswatini vachiti nyika dzavo dzakaita sarudzo murunyararo uye dzakajeka dzinoratidza hutongo hwejekerere munyika dzavo vachiti vanotarisira kuti izvi ndizvo zvichaitikawo munyika dziri kuita sarudzo munguva pfupi inotevera dzakaita seMadagascar neDemocratic Republic of Congo.

Asi kunyangwe zvakadaro, mutauriri webato rinopikisa munyika reTripple C, VaPromise Mkwananzi vati chavanoda ndechekuti sangano reSADC rigadzirise kusawirirana kuri muZimbabwe.

“Tiri kutarisira kuti SADC ibude negwara rekuti Zimbabwe ingafambe sei igadzirise nyaya dzemvongapopoto panyaya dzesarudzo dzakaitwa dzisina kufamba zvakanaka. Iyo SADC ndiyo yakataura kuti sarudzo dzemuZimbabwe hadzina kufamba zvakanaka,” vakadaro VaMkwananzi.

VaPromise Mkhwananzi
VaPromise Mkhwananzi

Mumwe wevatsigiri vebato reCitizens Coalition for Change VaElivis Mugari vati havo ivo havavimbi kuti sangano reSADC pane zvaringabudisa pakugadzirisa zvanetsa munyika.

“Sangano reSADC rega haringavimbiwi naro pakugadzira matambudziko atinawo mushure mesarudzo dzatakaita muZimbabwe,” VaMugari vakadaro.

Asi VaTaurai Kandishaya, vanove mumwe wevatungamiri veboka revechidiki mubato riri kutonga reZanu-PF, vati ivo munyika hamuna kusawirirana kungada kupindira kweSADC muZimbabwe.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri weDemocratic Party of Zimbabwe, Doctor Wurayayi Zembe, vati tarisiro yasara ndeye kuti vatungamiri venyika dzemuSADC vatambire zviri pachena gwaro rakabudiswa neSADC Election Observer Mission pasarudzo dzakaitwa munaNyamavhuvhu muZimbabwe.

Asi mushandi mukuru muboka rekuburitswa kwemashoko musangano reZanu-PF, VaFarai Marapira, vati ivo hapana chimwe chavangatarisira kunze kwekukorokotedzwa nekuda kwekukunda kwakaita bato ravo musarudzo dzakapfuura.

VaFarai Marapira
VaFarai Marapira

“Isu hatina zvizhinji zvatingatarisira kubva kumusangano weSADC kunze kwekuti tingangokorokotedzwa nekubata kwatakaita sarudzo dzakafamba murunyararo nekuti kana panga paine kupokana kungadai kwakaendwa kumatare,” vakadaro VaMarapira.

Zimbabwe yakaita sarudzo musi wa 23 Nyamavhuvhu idzo dzisina kutambirwa nebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rakapa mhosva kumukuru wenyika VaEmmerson Mnangagwa yekubira sarudzo idzi. Masangano akawanda anosanganisira reSADC Elections Observer Mission akati sarudzo idzi hadzina kufamba zvakajeka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG