Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVari Kubatwa neKorera Hwokwira Apo Chirwere Ichi Chaparira muMaruwa neMumaguta


Dambudziko remvura yakachena nderimwe rinonzi riri kukonzera kupararira kwekorera.
Dambudziko remvura yakachena nderimwe rinonzi riri kukonzera kupararira kwekorera.

Harare - Huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa nekorera munyika huri kuramba huchikwira uye chirwere ichi, icho changa chakawanda kumaruwa, chapindawo mumadhorobha akaita seChitungwiza nemuguta reHarare, umo chiri kubata vanhu vakawanda.

Gwaro raburitswa nebazi rezvehutano pamusoro pachirwere ichi rinoratidza kuti kusvika pakupera kwezuva nezuro pane vanhu zviuru zvitanhatu nemakumi maviri nemumwe (6 021) vainge vabatwa nedenda kana zvichienzaniswa nezviuru zvishanu nemazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nevana (5 964) vainge vabatwa kusvika musi weSvondo.

Nezuro pakafa munhu mumwe chete, izvo zvasvita huwandu hwevanhu vanofungidzirwa vakafa nekorera pazana nemakumi maviri nevatatu.

Vakawanda vave kutyira kuti korera inogona kupararira zvakanyanya sezvo mvura yatanga kunaya uye makanzuru kumaruwa nemadhorobha asiri kutakura marara nekupa vanhu mvura yakachena.

Mumwe ave kutyira kuti kusatakurwa kwemarara kuchavapinza munjodzi yekorera ndaAmai Franseca Chademoyo, avo vanogara paShowgrounds, kuGoromonzi.

Marara asiri kutakurwa muGoromonzi West paShowgrounds
Marara asiri kutakurwa muGoromonzi West paShowgrounds

“Rimwe bato rinonzi EMA rinofanira kutibatsira pamarara asi harisi kushanda, kana pamakomba ari kuseri kwezvitoro harisi kuti batsira kuti makombe iwawo avharwe zvinoizvozvo zvinoita kuti korera iwande.”

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa mune rimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reCombined Harare Residents Association, VaReuben Akili, vaudza Studio 7 kuti havashamisiki kuti korera iri kuwedzera

Vati, “Zvinhu zvinokonzera korera hazvisi kugadziriswa.”

Vatiwo vagari muguta havasi kufara nekusatakurwa kwemarara nekushaya mvura zvekuti svondo rapfuura vakatoendesa gwaro renyunyuto pamusoro penyaya iyi kuparamende.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, vaItayi Rusike, vaudza Studio 7 kuti chinofanira kuitwa nechimbi-chimbi senzira yekuderedza kupararira kwekorera kupa vanhu mvura yakachena nekutakura marara.

“Zvinofanira kuitwa nechimbi chimbi kupa vanhu mvura, kugadzirisa nhau yezvimbuzi, kupa vanhu dzidziso, kunyanya nyaya yekugezwa kwemaoko, vanhu ngavadzidze kugeza maoko kana vachinge vashandisa zvimbuzi.”

Vati kana izvi zvikasaitwa korera inogona kupararira zvakanyanyaya munyika.

Kanzura weWard 19 kuGoromonzi, VaTachiona Mazhambe, vati kanzuru yavo yeGoromonzi Rural District iri kuedza napose painokwanisa kutakura marara kuti korera isapararire.

“Tiri kutogadzirisa kuti korera isamboputika kuno. Hurongwa huripo ndehwekutakura marara kuti dambudziko iri risatombouya kuno.”

Vachitaura nguva pfupi yapfuura vari kuBuhera, gurukota rezvehutano, Dr Douglas Mombeshora, vakati zvavari kuona ndezvekuti kunzvimbo dzese dziri kuputika korera hakuna mvura yakachena uye nyaya dzehutsana dziri pasi.

Kunaya kwemvura pamwe nemarara asiri kutakurwa zvityirwa kuwedzera korera.
Kunaya kwemvura pamwe nemarara asiri kutakurwa zvityirwa kuwedzera korera.

Meya veHarare VaIan Makone vaudza Studio 7 kuti vari kuedza pose pavanogona kuwanisa vanhu mvura yakchena asi havasati vasvika pavanod

“Hatisati tasvika patinodisisa ichokwadi ichocho.”

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kunaVaMombeshora kuti ndeapi matanho avatora kugadzirisa dambudziko sezvemutauriri webazi iri, VaDonald Mujiri, vati VaMombeshora vachataura chete mushure memusangano wedare remakurukota, kana kuti Post Cabinet Briefing.

Musangano uyu wange usati watanga pataenda pamhepo.

Korera, iyo yakaputika muna Kukadzi kuChegutu, yave mamatunhu madiki (districts) makumi mana nematatu anosanganisira Buhera, Gutu, Zaka, Mutare, Chimanimani, Murehwa, Uzumba-Maramba-Pfungwe, Shamva neBindura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG