Accessibility links

Breaking News

VeCCC neVakazvimirira Musarudzo yeBy-Election kuGutu West Vochema neMhirizhonga Pamberi peSarudzo


VaMartin Mudzingwa
VaMartin Mudzingwa

Bato reCitizens Coalition for Change, kana kuti Tripple C, pamwe nevakazvimirira musarudzo yeGutu West by-election vari kuchema-chema nemhirizhonga yezvematongerwo enyika iri kuitika mudunhu iri pamberi pesarudzo ichaitwa musi wa11 Mbudzi.

Bato reTripple C rinoti nhengo dzaro mbiri dzinoti Amai Anna Chuma pamwe naVaBen Mumanyi vakarohwa zvakaipisisa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF pakupera kwesvondo kuChatsworth, uye vamwe vatsigiri vavo vakadzingirirwa vachitsvaga rutsigiro nezuro pazvitoro zvekwaMatizha.

Amai Chuma vanoti vakarohwa apo vakaonekwa vakapfeka hembe ye Tripple C.

“Vakasvika takamira ndapfeka hembe yeCCC vakandidzingirira kusvika mumba umo mavakandirovera vakandikururahembe vakadzibvarura. Vakandirova chaizvo,” Vadaro Amai Chuma.

VaMumanyi vanoti vakatemwa nezvitinha pazvitoro zvepaChatsworth.

Vaviri ava vati vakamhan’ara nyaya kuamapurisa ekuChatsworth asi vakavarova havasati vasungwa.

Vari kumirira CCC musarudzo iyi, VaEphraim Morudu, vatenda kuti vatsigiri vavo vari kurohwa vamwe vakatotiza misha yavo.

“Vatsigiri vedu vari kurohwa zvikuru vamwe vachitiza misha. Mhirizhonga iri kuwedzera munzvimbo medu,” VaMorudu vanodaro.

Imwe nhengo yeTripple C kwaGutu, VaLloyd Mufudze, vatiwo kuGutu West kwaberekera ingwe.

“Ichokwadi, mhirihzonga iri kukwira muGutu West, vanhu vari kurohwa, vatsigiri weCCC vari kushungurudzwa,” vanodaro VaMufudze.

Vari kukwikwidza vakazvimirira, VaMartin Mudzingwa, vanoti vatsigiri vavo vari kuteverwa kana vabva pamisngano yavo vachityisidzirwa nerufu.

"KuGutu West vanhu vari kutyisidizrwa wena, hakuna kumira zvakanaka. Vamwe vari kunzi tokupisirai dzimba mukasavhotera bato rinotonga,” VaMudzingwa vadaro.

Hatina kukwanisa kubata vari kumirira Zanu PF musarudzo iyi, VaJohn Paradza, sezvo vange vasingadairi nharembozha yavo kana kupindura mibvunzo yatavatumira.

Asi mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaPepukai Chiwewe, varamba izvi vachiti bato ravo hariiti zvemhirizhonga.

“Bato reZanu PF hariiti mhirizhonga. Tinoita sarudzo murunyararo,” VaChiwewe vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati havasati vanzwa nyaya iyi nekuti vanga vasati vasvika kuhofisi yavo sezvo vange vane misangano negurukota ravo. Vati tozofona asi vange vasisadairi nharembozha yavo.

Vari kukwikwidza musarudzo yeby-election iyi vanoti VaMorudu veCCC, VaParadza veZanu PF, VaRobson Kurwa veNational Constitutional Assembly, naVaMudzingwa, avo vari kukwikwidza vakazvimirira.

Sarudzo iyi iri kuitwa nekuti VaChristopher Mutonhori Rwodzi, vaive murume wegurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Barbara Rwodzi, vakashaya mukupera kwaChikumi mutsaona yemotokari, iyo yakaonekwa nevamwe sekunge yaive nechekuita nezvematongerwo enyika mushure mekunge vapesana nevamwe mubato reZanu PF.

Izvi zvakazoita kuti varambidzwe kukwikwidza musarudzo yekutsvaga aizomirira Zanu PF musarudzo dzaNyamavhuvhu, vachibva vasarudza kukwikwidza vakazvimirira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG