Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende Inoona Nezve Bhajeti Yotora Pfungwa dzeVeruzhinji  paBhajeti Ra2024 Ichishandisa Madandemutande Nenhepfenyuro Chete


Gurukota re zvehupfumi VaMthuli Ncube
Gurukota re zvehupfumi VaMthuli Ncube
Komiti yeNational Assembly inoona nezvebhajeti inoti ichange ichitora pfungwa dzeveruzhinji pabhajeti ra2024 ichishandisa madandemutande nenhepfenyuro chete, izvo zvosvorwawo nevamwe vanoti nzira dzashandiswa idzi dzinodzivirira vamwe kuti vape pfungwa dzavo.
Komiti iyi yaita musangano wepadandemutande nhasi mangwanani ichishandisa Zoom kuti nhengo dzayo dzinzwe kubva kune veruzhinji.
Vachitaura neStudio 7, sachigaro wekomiti inoona nezvebhajeti, VaClemence Chiduwa, vanova mumiririri weZaka South muNational Assembly, vaudza Studio 7 kuti havasi kukwanisa kuunganidza veruzhinji sezvo pasina nguva.
“Makomiti akanonoka kusarudzwa saka patakasarudzwa nenguva inotarisirwa kuita bhajeti panga pasisina nguva saka tanga tisingakwanisi kuvinga vanhu.”
VaChiduwa vati vafadzwa nepfungwa dzanga ndichipiwa nhasi vachiti vachange vachinzwawo pfungwa dzevanhu kuburikidza nezvirongwa zvichaitwa panhepfenyuro dzeZimbabwe Broadcasting Cooperation, Radio Zimbabwe, neNational FM Muvhuro manheru.
Vatiwo pfungwa dzapiwa nhasi dzanyanyobva kune vechidiki, avo vanga vachikurudzira kuti hurumende ivake mizinda inoshandiswa nevechidiki vanenge vachida kusiya zvinodhaka, kuwanisa vechidiki nemadzimai zvinovapa raramo uyewo kuvakwa kwemaindasitiri kumaruwa.
Asi Amai Otilia Chikandira vasvora nzira dziri kushandiswa nekomiti iyi kutsvaga pfungwa dzeveruzhinji vachiti vakawanda havana zvikwanisiro zvekuenda pamadandemutande kana kufonera kunhepfenyuro.
"Dai vatongofambira vanhu munharaunda vounganidza vanhu, vanhu votaura zviri pamoyo pavo nezvichemo zvavo, kwete zvepamadandemutande. Vamwe havana mafoni acho, vamwe havana dhata rinodiwa. Nekuoma kwaita hupenyu ndingawana mari yekutenga dhata ndichitadza kutengera vana chingwa? Hazviiti."

Izvi zvatsigirwawo naVaInnocent Dzwengwe avo vatiwo nekuda kwehurombo huri munyika zvange zvirinani kuti dai komiti iyi yakwanisawo kuenda kumisha inogara veruzhinji.

Asi vati chero vasina kukwanisa kupa pfungwa dzavo pamusangano wanhasi, tarisiro yavo ndeyekuti mari yakawanda iendeswe mukugadzirisa matambudziko munyaya dzezvehutano.

"Panhau yekutsvaga pfungwa dzebhajeti pamadandemutande, zvinoomera vanhu vakawanda nekuti hatisi tese tine mafoni anoenda padandemutande uye hatisi tese tinenge tine mari dzekutenga ma airtime.

"Dai zvichigoneka dai nhengo dzeNational Assembly dzichiuya kunharaunda dzounganidza vanhu vobvunzwa zvavanoda pabhajeti.”

Gwaro rinoratidza hwaro hwebhajet ra2024, kana kuti 2024 National Budget Strategy Paper, rinoratidza kuti hurumende iri kutarisira bhajeti reZWL$33.1 trillion, uyewo gwaro iri rinoti hurumende ichaita zvirongwa zvekuti vane mabasa akakosha munyika vasarambe vachienda kune dzimwenyika.

Zvimwe zvirimo zvinosanganisira kuona kuti vashandi vehurumende vanenge vakashanda sei? kana kuti performance contracts, pamwe nekuona kuti hurumende hairasikirwi nemari pakutengwa kwezvainoda.

Bazi rezvemari rinozivisa mari inenge yapiwa kumapazi akasiyana siyana ehurumende muna Mbudzi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG