Accessibility links

Breaking News

Sangano Rinomirira Paramende dzePasi Rose, reIPU, Roshushikana neKuramba VaSikhala Vari Mujeri Vasati Vatongwa


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Sangano rinomirira paramende dzepasi rose, reInter Parliamentary Union, (IPU) riri kushushikana zvikuru nekuramba kwevaimbove mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, vari mujeri vasati vatongwa.

Sangano iri riri kushushikana zvakare nekudzingwa muparamende kwenhengo dzebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change.

IPU inoti ichatuma nhumwa dzayo kuZimbabwe kuzoongorora nyaya idzi.

IPU yakatora danho iri pamusangano wayo uchangobva kuitwa kuLuanda, kuAngola, mushure mekunge CCC yanyora kusangano iri ichitsutsumwa nemabatirwo ari kuitwa nhengo dzayo.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC zvakare vari nhengo yeIPU, VaGifts Ostallos Siziva, vaudza Studio 7 kuti IPU ichaongorora nyaya yaVaSikhala nedzimwe.

“Yakaita chisungo chekutuma chikwata kuti chizoongorora nyaya yekusungwa kwaVaSikhala nekunyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.”

Vatiwo chikwata ichi chichaongororawo nyaya yekudzingwa kwenhengo dzeCCC kuparamende.

“Ndonyaya dziri kutariswa uye isu tiri kufara nezviri kuitwa neIPU nemamwe masangano."

Vanokokera nhengo dzeZanu PF muparamande, VaPupurayi Togarepi, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vasingazive nezvedanho reIPU, vati chingave chinhu chakanaka kuti chikwata cheIPU chiuye muZimbabwe kuti chizozvionera chokwadi, vachiti vanhu havawanzotaura chokwadi pavanotaura nyaya dzavo.

Vatiwo vakasununguka kuudza chikwata ichi chokwadi kana chichinge chauya kuZimbabwe.

“Tine zvekutaura zvakawanda nekuti tinoziva zvakaitika sarudzo dzisati dzaitwa.”

IPU haina kutaura kuti chikwata ichi chichauya rini munyika.

Asi inoti haisi kufara kuti VaSikhala vagara mutirongo kwenguva refu vasati vatongwa, uye vari kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba, izvo inoti izvi kutyora kodzero dzaVaSikhala.

Vakafanobata chinzvimbo chemukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaWilbert Mandinde, vatambira danho reIPU vachiti nyaya yaVaSikhala inoshungurudza zvikuru uye sangano ravo rakatoimhan’ara kuAfrican Commission on People and Human Rights pamusangano wakaitwa kuTanzania.

“Tiri kutarisira kuti naiyo African Commission ichaongorora kuti hapanawo here kodzero dziri kutyorwa.”

Chikwata cheIPU chinotarisirwa kusangana nevakuru vakuru muhurumende, vakuru veparamende pamwe nenhengo dzeparamende pamwewo nemasangano akasiyana siyana.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutautriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda.

Asi IPU inoti VaMudenda vakaudza komiti yayo inoona nezvekodzero dzenhengo dzeparamende (Committee on the Human of Parliamentarians) kuti vakasununguka kutambira chikwata cheIPU.

Mwedzi uno maseneta mapfumbamwe nenhengo gumi neina dzeNational Assembly dzeCCC, dzakadzingwa muparamende mushure mekunge vanozviti ndivo vakafanobata chinzvimbo chemunyori mukuru muCCC, VaSengezo Tshabangu, vanyorera kuparamande vachiti nhengo dzeparamende idzi dzainge dzisisamirire zvido zvebato ravo.

Asi CCC inoti VaTshabangu havasi nhengo yebato ravo uye iri kutsutsumwa kuti mutauriri weNational Assembly nemutungamiri wesenati, Amai Marble Chinomona, vakatambira tsamba dzakanyorwa naVaTshabangu musi wa4 mwedzi uno asi vakatadza kutevedzera tsamba yakanyorwa nebato iri musi wa11 Gunyana.

Zvichakadai, VaSikhala nhasi vasvitsa makore makumi mashanu nerimwe ekuberekwa, asi zuva iri rasvika vari mujeri umo vagara mazuva anodarika mazana mashanu vasati vatongwa.

VaSikhala vakorokotedzwa nekeke ravapihwa nemudzimai nevana vavo, shamwari nenhengo dzeCCC mudare umo nyaya yavo yekukonzera mhirizhonga yange ichifanira kunzikwa.

Nyaya yaVaSikhala iyi haina kuzoenderera mberi sezvo magweta avo asina kuuya kudare.

Pakanzi nyaya ichanzikwa neMuvhuro, VaSikhala vakati vainge vasingadi kushungurudzwa musi wezuva rekuzvarwa kwavo. Nyaya yavo yave kuzonzikwa musi wa13 Mbudzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG