Accessibility links

Breaking News

Zviuru zveVanhu muGaza Zvinopaza Matura Anochengeterwa Chikafu neUN Zvichizvibatsira


Vamwe vagari vemuGaza vachizvibatsira nechikafu nezvimwe zvikwanisiro.
Vamwe vagari vemuGaza vachizvibatsira nechikafu nezvimwe zvikwanisiro.

Zviuru zvevanhu muGaza zvakapaza matura anochengeterwa neUnited Nations chikafu nezvimwe zvakakosha husiku hweMugovera zvichitora hupfu hwegorosi uye zvimwe zvekuzvibatsira nazvo.

Sangano re United Nations rakayambira richiti ichi "chiratidzo chinoshungurudza chekuti hurumende yave kutanga kuparara," mushure mekuvharwa kwemavhiki matatu kwezvinhu zvakakosha semagetsi, chikafu nemafuta.

Izvi zviri kuuya mushure mekunge mutungamiriri weIsrael VaBenjamin Netanyahu vataura kuti kupinda kwemauto avo epasi muGaza kungori kutanga, vachaenderera mberi nehondo iyi.

Vanoongorora nezvematongerwo enyika vachiita zvidzidzo zvavo zvepamusoro zve PHD ku Howard University, VaCalvin Manduna, vanoti izvi zviri kuitika zvekupazwa nekurwirana chikafu nezvikwanisiro hazvisi zvitsva sezvo muhondo muchishandiswa kunyima nekuvhara zvakakosha senzira yekurwisana.

Asi vanoti pave kudiwa danho rekuti Israel igone kugara pasi nekutaurirana nechikwata cheHamas kuti hondo iyi ipere kuve nerunyararo munyika muGaza sezvo vanhu vari kurasikirwa nehupenyu zvakanyanya uye kuparadzirwa dzimba nemidziyo.

Hurumende yeAmerica yakatara chokwata cheHamas sechikwata chematororo.

Izvi zviri kuuya panguva iyo mauto eIsrael ari kuenderera mberi nekurisa nemuchadenga nemasi nzvimbo dzaanoti dzakahwandwa nechikwata cheHamas.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG