Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kutara Chirwere cheCholera seDambudziko reNyika


Hurumende iri kukurudzirwawo kuwanisa veruzhinji mvura yakachena senzira yekudzivirira kupararira kweCholera
Hurumende iri kukurudzirwawo kuwanisa veruzhinji mvura yakachena senzira yekudzivirira kupararira kweCholera
Apo huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere checholera huri kuramba huchikwira, dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti dai chirwere ichi chatarwa sedambudziko renyika yese, uyewo kuti nyaya dzekuwaniswa kwemvura yakachena dzagadziriswa.
Bazi rezvehutano nezuro rakazivisa kuti nezuro wakare chete vanhu makumi manomwe nemumwe (71) vanofungidzirwa kuti vonogona kunge vakabatwa nechirwere checholera ichi munyika yose, uye munhu mumwe chete anofungidzirwa kuti akashaya nekuda kwechirwere ichi.
Cholera inonzi iri kukonzerwa nemvura ine tsvina.
Cholera inonzi iri kukonzerwa nemvura ine tsvina.

Nyanzvi mune zvehutano uye vari mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vati nekuda kwekuti chirwere ichi chiri kuramba chichinetsa, zviri nani hurumende itare cholera sedambudziko renyika, vachiti hazvifanirwi kumirirwa kuti vanhu vakawanda varambe vachirasikirwa nehupenyu kuchirwere chinorapika.

“Hurumende ikati idambudziko renyika zvoreva kuti vamwe vatsigiri vanoita mabasa ezvehutano vangava vanobatsira, masangano akazvimirira kana vemabhizimusi vanopindira kubatsira hurumende,” VaRusike vanodaro.

Vanoti dambudziko guru nderekuti matambudziko anokonzera chirwere ichi haasi kugadziriswa.

“Muno mumadhorobha vanhu vachine dambudziko remvura, marara haasi kutakurwa, maseweji akaputika anotora nguva yakareba asina kugadzikwa. Kumamisha tinoona kuti kune veruzhinji kana zvimbuzi chaizvo hakusisina.”

Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike.
Mukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike.

Nyanzvi inoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mukanzuru yeHarare, Dr. Michael Vere, vanoti kunyange mudunhu reHarare, huwandu hwevari kubatwa necholera huri kukwira, vakatiwo dzimwe nzvimbo dzaisamboita dambudziko rechirwere ichi dzave kusangana naro.

”Nzvimbo dzinechirwere zvakanyanya ndekwagara kune dambudzik iri kwakadai seGlenview, Budiriro, Glennorah asiwo tave kuwanawo kune dzimwe nzvimbo dzaisamboita dzakadai seSouthlea Park,Stoneridge neHopley,” vanodaro Dr. Vere.

Dr. Vere vanoti zvimwe zvezviratidzo zvechirwere ichi kurwara nemudumbu pamwe nekurasikirwa nemvura zvakanyanya.

Vakurudzira veruzhinji kuti vasaungane pamwe nekuti vanwe mvura yakachena kana kutanga vafashaidza mvura yavo.

Vati, “Saka ike zvino tiri kungoti munhu wese ane manyoka ngaauye timuongorore kuti haisi cholera here. Cholera inotaridza nekuti munhu anotanga kuchaya nekurutsa. Izvi zvogona kuita kwenguva pfupi pfupi munhu otopera mvura mumuviri.”

Gurukota rezvehutano, VaDouglas Mombeshora, vanga vasingadaviri nharembozha yavo pataedza kunzwa divi rehurumende panyaya iyi.

Asi vachitaura pavakashanyira nzvimbo yeBuhera mudunhu reManicaland uko kwakaputikawo chirwere ichi, vakati hurumende iri kuita chipatapata mukuchera zvibhorani kuti vanhu vawane mvura yakachena.

VaMombeshora vakati huwandu hwevari kubatwa nechirwere ichi kuBuhera huri kuramba huchikwira, vachiti dambudziko imvura yakachena isiri kuwanikwa. Vakati, “Vanhu vazhinji varimuzvipatara necholera havana mvura yakachena yokumwa.”

Chirwere che cholera chapararira mumatunhu madiki emunyika.
Chirwere che cholera chapararira mumatunhu madiki emunyika.

Kusvika neChina bazi rezvehutano rinoti vanhu zana nemakumi maviri nemumwe vaive muzvipatara zvakasiyana siyana nekuda kwechirwere checholera.

Bazi iri rinotiwo vanhu zviuru zvishanu nemazana mashanu nemakumi mashanu nevanomwe vanofungidzirwa kuti vakabatwa nechirwere ichi nyika yose uye mushure mekuongororwa vanhu makumi matatu nevasere vanonzi vakafa nechirwere ichi.

Asi bazi iri rinofungidzira kuti huwandu hwevafa nechirwere ichi nyika yese izana nemakumi maviri.

Matunhu makumi mana nerimwe anonzi ave nechirwere ichi, icho chakatangira kuChegutu mudunhu reMashonaland West muna Kukadzi.

Muna 2008/2009 chirwere ichi chinonzi chakauraya vanhu vanosvika zviuru zvina munyika yose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG