Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mumiriri weZengeza West Vari Nhengo yeCCC, VaSikhala, Voramba Vari muJeri Zvichitevera Kuraswa kweChikumbiro Chavo neDare


Vaive mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, vasvitsa mazuva mazana mashanu vari muhusungwa vasati vatongwa.
Vaive mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, vasvitsa mazuva mazana mashanu vari muhusungwa vasati vatongwa.

Vaimbova mumiriri weZengeza West muparamende vari nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, VaJob Sikhala, vacharamba vari mujeri rekuChikurubi mushure mekunge chikumbiro chavo chekuti nyaya yavari kupomerwa irase yaramba kutambirwa nemutongi wedare ramajesitireti muHarare.

Mutongi wedare, Muzvare Tafadzwa Miti, vati VaSikhala vanofanira kutsanangura pamberi pedare kuti vairevei nemashoko avanonzi vakataura ayo anonzi nedare akakonzera mhirizhonga kuNyatsime kuChitungwiza zvichitevera kupondwa kwaMuzvare Moreblessing Ali, vaive vebato reTriple C gore rakapera.

VaSikhala vari kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga vari pamwe naVaGodfrey Sithole, vanova zvakare nhengo yeTriple C vachimirira Chitungwiza North muparamende.

VaJob SIkhala, VaTendai Biti anaVaGodfrey Sithole.
VaJob SIkhala, VaTendai Biti anaVaGodfrey Sithole.

Rimwe remagweta aVaSikhala naVaSithole, VaJeremiah Bamu, vati vaviri ava vanzi vadzoke zvakare mudare redzimhosva musi wa 20 Mbudzi, unove mwedzi unouya.

“Tanga taenda kudare kuti tinonzwa mutongo pachikumbiro chatakaisa kuti VaSikhala vasamiswa pamberi pedare vachipa huchapupu hwavo nekuti hapana humbowo hwaiswa pamberi pedare hwunoratidza kuti vane mhosva,” VaBamu vanodaro.

VaBamu vati ivo mutemo hausi kutevedzerwa pamatongerwo ari kuitwa nyaya yaVaSikhala naVaSithole izvo zvoita kuti nyaya yavo irambe ichitora nguva yakareba iri kumatare.

“Tariro yedu ndeyekuti vanosunungurwa, asi zvatirikuona ndezvekuti kutongwa kurikuitwa nyaya dzavo hakusi kufamba chaiko negwara chairo remutemo. Dai gwara chairo remutemo chairo raitevedzerwa, vangadai vakasunungurwa kare kare, asi hausi mutemo urikushanda. Ndezvimwewo zvirikutoshanda. Ndizvo zvirikungovhiringidza nyaya dzavo chete,” VaBamu vanodaro.

Imwe nhengo yeTripple C, Muzvare Ellen Shiriyedenga, vati ivo magariro aita VaSikhala mujere anoratidza kuti nyika ino iri kutongwa nehutongi hwusina hanya uye huzere nehugwara.

“Zvinhu zviri kuitika izvi zviri kuratidza kuti tiri kutongwa nevanhu vane hutsinye, tiri kutongwa nevanhu vari kutya. Apa tiri kuona kuti VaSikhala vatova negore vari mujeri. Mhosva yacho haisi kubuda pachena,” vanodaro Muzvare Shiriyedenga.

Muzvare Ellen Shiriyedenga
Muzvare Ellen Shiriyedenga

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende pamashoko aMuzvare Shiriyedenga.

Mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa, varamba kutaura pamusoro penyaya iyi vakati gurukota rezvemitemo, VaZiyambe Ziyambe, ndivo chete vanotaura nezvenyaya dziri mumatare. Hatinawo kukwanisa kubata VaZiyambe.

Asi Nyanzvi yezvematongerwo enyika uye vari chipangamazano musangano re Zimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vati hurumende inotya kuti VaSikhala vakaburitswa mujeri vanogona kukonzeresa kuratidzira kukuru munyika.

“Ndiri kuti nyaya yaJob Sikhala inyaya yezvematongerwo enyika. Akasunungurwa iko zvino, anogona kukonzeresa kuratidzira kukuru munyika zvinova zvisingadiwi nevatungamiri varipo. Vatungamiri varipo vanoda vanhu vanoita zvepamasaisai zvisingaitwi naJob uyo anoita zvekuratidzira,” vanodaro VaGumbo.

VaSikhala, avo vakasungwa gore rapera musi wa 14 Chikumi, vasvitsa mazuva mazana mashanu vari mujeri nyaya yavo isati yatongwa, zvichireva kuti vatodarika gore rimwe chete vari mujeri pasina chati chabuda pakuenda kwavo kumatare edzimhosva.

VaSithole vavakasungwa pamwe navo vakabudiswa mujeri gore rapera mumwedzi waMbudzi mushure mekunge vabvumidzwa kubvisa mari yechibatiso.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG