Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovhura Dare Idzva reParamende Zviri Pamutemo

Mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vatambira ndokuvhura zviri pamutemo chivakwa chitsva cheparamende chiri kuMount Hampden, Mashonaland West kubva kuvamiriri veChina inova yakavakira Zimbabwe dare iri. Nhengo dzebato rinopikisa reCCC dzaendawo kuchiitiko chanhasi.

Vachitaura pachiitiko chanhasi, VaMnangagwa varumbidza zvakanyanya nyika yeChina nechavati chipo chechivakwa chitsva.

VaMnangagwa vati China kuburikidza nemutungamiriri wayo Va Xi Jinping vari kutsigira pamwe nekurwira Zimbabwe kumataren makuru akaita seUnited Nations Security Counci. Vatiwo China iri kushora zvirango zvavati zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumavirira. Varumbizawo China vachiti yakabatsira kugadzirisa magwenya emagetsi emarasha kuHwange 7 ne8 uyewo kugadzirisa nhandare yendege yeRobert Mugabe International Airport.

Vanga vakatungamirira vekuChina VaTang Wenhong vebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika nebudiero reInternational Development Cooperation Agency vati chivakwa ichi ndochivakwa chikuru chaitwa neChina kuchamhembe kweAfrica.

Vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vange vari pachiitiko chanhasi. Vakamboramba kuenda pakuparurwa kwekutanga basa kwenhengo dzeparamende vachiti havacherechedze VaMnangagwa vachivapomera mhosva yekubirira sarudzo. Ko chii chapa kuti vaende kudare nhasi, vanokokera nhengo dzebato iri mudare reparamende VaAmos Chibaya vaudza Studio 7 kuti vanga vasineyi naVaMnangagwa asi kungovhurwa kwedare ravachashandira.

Vanokokera bato reZanu-PF VaPupurai Togarepi vati zvairi kuitwa neTripple C hazvina nematuro ose.

Nyanzvi munyaya dzebudiriro VaTendai Reuben Mbofana vanoshanda nesangano reNetwork for Social Justice vaudza Studio 7 kuti zvinonyadzisa kuti Zimbabwe ivakirwe dare rakakosha zvakadai neimwe nyika.

Vatiwo kunyangwe hazvo chivakwa ichi chichinzi chipo havatenderani nazvo sezvo kusina tsvimborume inongobvisa mwana wemvana madzihwa.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostallos Siziva, vazivisawo kuti bato ravo richange zvakare rodzekera kumisangano yedare reparamende uko vaive vambosiy vachiti vainyunyuta nekudzingwa kwakaitwa dzimwe nhengo dzavo naVaSengezo Tshabangu.

Vatiwo zvizvarwa zveZimbabwe zvichaziviswa gwara richatorwa nebato iri mushure mekunzwikwa kwenyaya yavakaendesa kumatare vachiramba kuti VaTshabangu havana masimba ekudzinga nhengo dzeCCC.

Asi nhengo yeZanu-PF Youth League VaTaurai Kandishaya vari zviri kuitwa neCCC kutya kudzingwa naVaTshabangu.

Chivakwa cheparamende ichi chakatanga kuvakwa muna2018 chikapera muna Chikumi 2022 uye chinonzi chakavakwa nemari inosvika zviuru mazana maviri emadhora ekuAmerica kana kuti 200 million United States Dollars.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG