Accessibility links

Breaking News

Mauto eIsrael Ombopinda muGaza Zviri Kushorwa neMuzinda wePalestine muZimbabwe


An Israeli army M109 155mm self-propelled howitzer is deployed at a position along the border with the Gaza Strip near Sderot in southern Israel on October 27, 2023 amid ongoing battles between Israel and the Palestinian Hamas movement.
An Israeli army M109 155mm self-propelled howitzer is deployed at a position along the border with the Gaza Strip near Sderot in southern Israel on October 27, 2023 amid ongoing battles between Israel and the Palestinian Hamas movement.

Apo kurwisana kunotyisa kuri kuenderera mberi pakati peIsrael nechikwata cheHamas chinonzi nehurumende yeAmerica chinopfurikidza mwero, muzinda wePalestine muZimbabwe nezuro wakaita gungano pamuzinda waro muHarare uchishora zviri kuitwa neIsrael iyo yakazivisa nezuro kuti mauto ayo nezuro manheru akambopinda kwenguva pfupi muGaza nemotokari ndokubhomba dzimwe nzvimbo.

Gungano iri rakaitwa pakadzikiswa mureza wePalestine semucherechedzo wekuchema zvizvarwa zvenyika iyi zvafa kubva zvakatanga hondo iyi musi wa Gumiguru 7.

Vamiriri venyika dzinodyidzana nePalestine dzakaita se Sudan, Egypt neIran, masangano echi Islam munyika pamwe nebato re ZANU PF; vakapindawo mugungano iri vakabata zvinyorwa zvinoratidza kutsutsumwa pamusoro pehondo iyi pamwe nezvirango zvinonzi zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekumadokero.

Asi nyika idzi dzinosanganisira America dzinoti dzakatemera vatungamiri vashoma vanotonga nedemo.
Mumiriri wePalestine muZimbabwe, VaTammer Almassri, vatenda nyika dzose dziri kumira nenyika yavo kusanganisira Zimbabwe.

"Ndinoda kukutendai ndakamirira muzinda wePalestine muZimbabwe nekumira nesu panguva ino zvinhu zvakatiomera senyika yePalestine muhondo yeIsrael. Ndinodawo kuzivisa kuti tichamirawo nehurumende yeZimbabwe kurwisa zvirango zvayakatemera neAmerica iyo yatinoshorawo pakukonzera kusagadzikana kunyika yedu kuburikidza nehondo iyi" Va Almassri vanotsanangura.

Vachishora danho ratorwa nemuzinda wePalestine muZimbabwe nhasi, mumiririri weIsreal muZimbabwe, Botswana neZambia, Amai Ofra Farhi, vanoti kutsutsumwa kwePalestine hakuna zvakunoreva kana Hamas isina kukanda zvombo pasi. Amai Farhi vanoti hondo iyi haigadziriswe nekubvumbatirana neZimbabwe nedzimwe nyika sezvo iri pakati peIsrael neHamas. "Hondo iyi haina basa nenyika dzose idzi kusanganisira iyo Zimbabwe neAmerica yavari kutaura" Amai Fahri vanodaro.

Vanotungamira sangano remadzimai rechi Islam re Fatima Zahra Women's Organization, Amai Hajar Makwinja, vanoti vari kuchema nevanhu vePalestine vachichenura chikwata che Hamas vachiti gakava iri rakagara riripo kubva kare kubva Israel zvayakatanga kupamba ivhu rePalestine.

Mumwe wechidiki webato reZANU PF achishandawo nesangano Citizens Against Economic Sanctions, VaIsheanesu Marima, vati Zimbabwe nePalestine zvine hukama hwakasimba kubvira panguva yehondo uye vashorawo America pakutemera Zimbabwe zvirango zvavati zvakanganisa hupfumi.

Asi vemapato anopikisa munyika vakaita seCitizens Coalition for Change vanoti hupfumi hweZimbabwe hwakaondomoka nekuda kwehuori nehumbimbindoga hwebato reZANU PF kwete zvirango.

Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Dr Wurayayi Zembe, vati havaone chikonzero chekuti Palestine ide kupindira panyaya yezvirango zvainoti zvakatemerwa Zimbabwe.

Vanhu vanodarika zviuru zvinomwe nemazana mapfumbamwe vafa muhondo iyi kusanganisira chiuru chimwe chete nemazana mana kubva kuIsrael uye Hamas inoti muGaza mafa vanhu zviuru zvitanhatu nemazana mashanu nemakumi mana nevatanhatu.

Vanhu vemuAmerica vafa makumi matatu nevatatu. Hamas inonzi yakapamba vanhu mazana maviri nemakumi maviri nevana kusanganisira zvizvarwa zvekune dzimwe nyika.

Forum

XS
SM
MD
LG