Accessibility links

Breaking News

VaChiwenga Vanoti Zimbabwe Yarasikirwa neMari Yakawanda neNyaya yeZvirango Asi Vanopikisa Vanoti Huori


VaConstantino Chiwenga
VaConstantino Chiwenga

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaConstantine Chiwenga,nhasi vaudza vashandi vehurumende varatidzira muHarare vachitsutsumwa nezvirango zvavanoti zvakatemerwa Ziimbabwe vachiti nyika inogona kunge yarasikirwa nezana nemakumi mashanu emabhiriyoni emadhora ekuAmerica (US$150 billion) kubvira pakaiswa zvirango izvi makore makumi maviri nemaviri adarika.

VaChiwenga vayo mari iyi ingadai yakawanikwa nenyika kubva kumabhanga masangano nenyika dzinopa rubatsiro, zvikwereti kana kutengeserana nedzimwe nyika.

Asi vanoti hurumende yave nedzimwe nzira dzekuti nyika isagwadame nenyaya yezvirango

Mutauriri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaPromise Mkwananzi vaudza Studio 7 kuti havawirirane nemashoko aVaChiwenga vachiti zvirango zviri munyika huwori nekutonga nedemo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vakomboshanda kubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya vati havabvumirane naVaChiwenga kuti hupfumi huri kukura.

Vatiwo havabvume kuti nyika yakarasikirwa neUS$150 Billikn nekuda kwezvirango vachiti hurumende ngaiburitse humbowo hwacho.

VaChiwenga vatiwo vanozivawo kuti zvirango izvi zvakanangana nekubvisa hurumende pachigaro.

Asi vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vachishanda paAfrica University, Doctor Wellington Gadzikwa vati pane zvikonzero zvinozivikanwa zvakaita kuti zvirango izvi zvivepo.

Vatiwo kunyange SADC ichitsigira Zimbabwe kuti zvirango izvi zvibviswe nekuisa parutivi zuva rakaita seranhasi, havawoni vakatemera zvirango vakaita seAmerica vachizvibvisa.

America inoti zvimwe zvakaita kuti mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vakuru vakuru muhurumende yavo vatemerwe zvirango inyaya yekusaita sarudzo dzakachena.

Asi VaChiwenga vati kunyange zvirango izvi zviri kukanganisa mashandire ehurumende nemapazi ayo, Zimbabwe iri kuwanisa kuramba ichiita sarudzo dzakachena pajekerere.

Asi izvi zvarambwa nemukuru weMedia Centere Centre, VaEnerst Mudzengi, avo vati sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka zvakataurwa nevaongorori vakawanda vesarudzo.

Zvichakadai SADC neAfrica Union nhasi dzaburitsa mashoko dzichitsigira Zimbabwe kuti zvirango zvibviswe.

Mumashoko avo pazuva reSADC Anti-Sanctions Day sachigrao weAfrican Union VaMoussa Faki Mahat vati vanotsigira chikumbiro chaitwa nasachigaro weSADC VaJoaoLourenco vanove mutungamiriri weAngola chekuti zvirango izvi zvibviswe sezvo zviri kukanganisa vazhinji muZimbabwe.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumuzinda weAmerica, Britain kana European Union muZimbabwe sezvo vange vasati vaburitsa mashoko pamusoro pechiitiko chanhasi.

Makurukota ehurumende, vanyori mupazi ayo pamwe nevamwe vashandi vehurumende nhasi vafora kubva pamahofisi emutungamiriri wenyika vachienda kuAfrica Unity Sqaure uko vazotaurwa navo naVaChiwenga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG