Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weIsrael muZimbabwe Anoti Nyika Yake Ine Kodzero yeKuzvidzivirira


Mauto eIsraeli achikanda zvombo muGaza
Mauto eIsraeli achikanda zvombo muGaza

Mumiriri weIsrael muZimbabwe, Botswana neZambia Amai Ofra Farhi vaita musangano nevatori venhau padandemutande vachipa maonero avo pahondop yenyika yavo nechikwata cheHamas icho chinonzi nehurumende yeAmerica chinopfurikidzwa mwero.

Amai Farhi vati Israel ine kodzero yekuzvidzivirira kubva kuHamas iyo yakatanga kurwisa nyika yavo musi wa 7 Gumiguru.

Amai Ofra vatiwo zvinosiririsa kuti zvizvarwa zveIsrael zvinopfuura chiuru chimwe chete kusanganisira vana vadiki nevanhukadzi vakauayiwa nechikwata cheHamas.

Asi mumiriri Palestine Authority Zimbabwe Doctor Tamer Almassri vakaudzawo Studio 7 kuti havasi kufarawo nezviri kuitwa neIsrael zvavanoti kutyora kodzero dzevanhu muGaza neWest Bank.

Reverend Wyson Dutch vanoshanda nekereke yeUnited Evangelical Church vaudza Studio 7 kuti hondo iyi inopedzwa nekutaurirana.

Vanoongorora zvematongerwe enyika vachishanda nesangano reAfrican Cause Trust VaElton Ziki vanoti Israel iri kutsigirwa nenyika dzakaita seAmerica ne Britain asi vakakurudzira kuti nyika dzemuAfrica dzibatsire mukugadzira runyararo.

Bazi rinoona nezvehutano muPalestine rinoti vanhu zviuru zvishanu nemazana manomwe- 5700 vafa muGaza nemuWest Bank.

MuIsrael mafa vanhu chiuru chimwe chete nemazana mana. Pope Francis vakurudzirawo kuti vanhu vakapambwa neHamas vasungunurwe uye kuti vari muGaza vawaniswe chikafu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG