Accessibility links

Breaking News

Mari dzeBudiriro muMatunhu Hadzisi Kufambiswa Zvakanaka: Auditor General


Gurukota rezvamatinhu VaWinston Chitando.
Gurukota rezvamatinhu VaWinston Chitando.
Ongororo yemashandisirwo akaitwa mari dzekusimudzira matunhu, kana kuti Devolution Funds, yakaitwa nehofisi yaAuditor-General inoratidza kuti makanzuru mazhinji munyika haana kushandisa mari idzi zvakanaka uyewo dzimwe nguva hurumende yaitadza kupamakanzuru aya mari idzi.

Mugwaro ravachangoburitsa, vakafanobata chigaro chaAuditor-General, Amai Rheah Kujinga, vanoti zvimwe zvirongwa hazvina kumboitwa nekuti makanzuru ainge asina kutombopiwa mari kunyange mari idzi dzaive mubhajeti.

Vanoti semuenzaniso, kubva muna 2019 kusvika muna 2021 kanzuru yeHarare yainge yakaronga kuita zvirongwa makumi maviri nezvinomwe asi zvirongwa zvishanu chete ndizvo zvakaitwa.

Vaive meya veHarare, VaJacob Mafume, vaudza Studio 7 kuti vakakundikana kuzadzikisa zvimwe zvirongwa zvavo nekusapihwa mari.

Panyaya yekuti vaiita zvirongwa zvisina kubvumiranwa mukanzura, VaMafume vati izvi zvaiitika zvakanyanya asi vachinakurira hurumende nyoka mhenyu. “Ivo ndovanopinda sehurumende muhurongwa hwatinenge tisina kuwirirana."

Vatizve, "Kana vachiti tanga tisina kubhajeta, ndizviya zviya zvaitengwa nehurumende, mota dzekudzima moto nemapombi emvura. Mari iyoyo haina kumbosvika kukanzuru yakangototwa kudura guru rehurumende nemakonzo akange achitora arri kuhurumende. Inyaya yekuti makonzo aya ndoanogra paduura renzungu.”

Amai Kujinga vanotiwo mamwe makanzuru asina kushandisa mari idzi zvakanaka anosanganisira, Masvingo neRuwa uye mamwe akaita seKusile Lupane aitora nguva inodarika mwedzi mitanhatu asati ashandisa mari dzaainge apihwa.

Vashorawo bazi rinoona rezvekutongwa kwematunhu iro vanoti rainge risiri kuongorora kuti mari idzi dzaishandiswa sei?

Vanotiwo kushaikwa kwemutemo unoona nezvekushanda kwemakanzuru ematunhu, kana kuti Provincial Councils, ndiko kuri kuita kuti mari idzi dzisafambiswa zvakanaka sezvo pasina anoongorora kuti dziri kufamba sei?

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa mune rimwe sangano rinomirira vagari, reCombined Harare Residents Association, VaReuben Akili, vaudza Studio 7 kuti zvabuda mugwaro raAuditor-General ndozvavagara vachitaura sevagari.

“Asi tingati vaita zvakanaka vakafushunura zvinhu izvi vakazviisa pachena nechikonzero chekuti zvinoita kuti tibatsirikane kuti hurumende yedu ive inoenderera mberi uyezve mafambisirwo emari dzeDevolution kuti dzive dzinoshandiswa zvakanaka.”

Vatiwo hurumende haisi iyo inofanira kutara kuti mari dzeDevolution dzoshanda sei sezvange zvichiitwa nevaiva gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo. Hatina kukwanisa kubata VaMoyo kuti tinzwe divi ravo.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba Manyaya, vanoti zvaburitswa naAuditor-General zvinoratidza mamiriro akaita zvinhu mumapazi ose ehurumende.

Vati, "Hatina hwaro hwekuongorora zvirongwa zvedu saka zvinoreva kuti mari iri kungodyiwa pasina anoona kuti zviri kufamba sei”

Hatina kukwanisa kunzwa divi rebazi rezvematunhu sezvo mutauriri webazi iri, VaGabriel Masvora, vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Bumbiro remutemo wenyika rinosungira kuti zvikamu zvishanu zvebhajeti rese renyika zvienda kumakanzuru ekumaruwa nemadhorobha kuti mari iyi ishandiswe pazvirongwa zvebudiriro zvakaita sekuwanisa vanhu mvura, kuvaka zvikoro nemakirinika nezvimwe.

Bazi rezvemari rakatanga kupa makanzuru mari iyi muna 2019.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG