Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zvoratidzira muSouth Africa Zvichishora VaRamaphosa naVaMnangagwa


Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa kubva kumapato ezvematongerwo enyika anopikisa nemasangano akazvimirira oga zvaratidzira nezuro zvichishora zviri kuitwa nemutungamiri wenyika iyi VaCyril Ramaphosa nebato ravo reANC kutsigira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa avo vari kupomerwa mhosva yekubirira sarudzo nekutonga nedemo.

Zvizvarwa izvi izvi zvainge zvichifamba mumigwagwa zvichiimba zvaendesa tsamba yenyunyuto kubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika zvichikurudzira kuti South Africa isapesvedzere Zimbabwe kuita zvakaipa.

Vainge vachifora vanosanganisira ve Citizens Coalition for Change SA, Crisis in Zimbabwe, Not My name neSADC Citizens Democratic Society.

Vanhu vakawanda vari kutiza muZimbabwe vachienda kuSouth Africa kunopoterakana kutsvaga mabasa. Mumwe wevarongi vekuratidzira uku, VaJerry Chauke vesangano reSADC Citizens Democratic Society, uyewo vari nhengo ye bato rinopikisa reCCC vaudza Studio 7 kuti zvitri kuitwa neSouth Africa zviri kupa kuti zvinhu zvitonyanya kuenda kumawere muZimbabwe.

Asi vanoona nezvegwara remusangano weZanu-PF muCapetown, Doctor Philip Kamutefa vati kuratidzira uku hakuna nematuro ose.

Forum

XS
SM
MD
LG