Accessibility links

Breaking News

Harare Gardens, Africa Unity Square Dzoshandiswa seNzvimbo dzeKugara neVamwe.


Imwe mhuri inogar muHarare Gardens
Imwe mhuri inogar muHarare Gardens

Nzvimbo dzakawanda dzekutandarira vanhu vachirohwa nemhepo dziri mukati meguta reHarare dzakaita seHarare Gardens, Africa Unity Square pamwe neimwe iri muMabelreign, dzave kushandiswa senzvimbo dzekugara nevanhu vasina pekugara muguta iri.

Asi vamwe vagari vanoti izvi zvaparadza kuyevedza kwaimboita nzvimbo idzi mumazuva adzo ekare kuburikidza nemaruva nemvura zvaivemo, izvo zvanoti zviri kuparadzwa nevave kugaramo ava, avo vari kukanganisawo mhepo yenharaunda idzi nekuda kwetsvina inorasirwa pese-pese.

Vamwe vakakura munguva yaiyevedza nzvimbo idzi vakaita saVaTrynos Munzira vari vanokuudzai kuti vakawanda vaitoita nzendo dzekunotandara nevadiwa vavo kana hama neshamwari mumapaka aya, vachitorwa mifananidzo yaiyevedza chose. Asi aya ose ave matakadya kare.

Chimiro chemapaka aya chashata zvikuru sezvo vanhu vasina pekugara ava vari kuvaka tutumba twavo munzvimbo idzi.

Mumwe wevanogara nemwanakomana wavo akaremara muHarare Gardens, Amai Gladys Mugabe, vanoti vanoshuvira kusiya hupenyu hwakadai kana vakawana rubatsiro.

Mumwe mukomana wechidiki anogarawo muHarare Gardens, David Paina, anoti iye hunherera nekushungurudzwa nevakambomuchengeta ndizvo zvakamuunza kuzogara munzvimbo iyi makore anodarika gumi akapfuura.

Hupenyu huri kuraramwa naAmai Mugabe naDavid Paina, hupenyu huri kuraramwa nevanhu vakawanda vanoshandisa mapaki senzvimbo dzekugara.

Asi mumwe mugari wemuHarare, Muzvare Nonhlanhla Mandundu, vanoti hazvifadzi kuona vanhu vachirarama hupenyu hwakadai.

Kanzura weWard 16 muHarare, VaDenford Ngadziore, vabvuma kuti ichokwadi kuti nzvimbo dzekutandarira dzakawanda muguta reHarare dzave misha yavanhu vasina pekugara.

Mutauriri wekanzuru yeguta reHarare, VaStanely Gama, vanoti kanzuru yavo iri kukundikana kubvisa vanhu ava mumigwagwa. VaGama vanotiwo hurumende chete ndiyo ingakwanisa kuziva kuti sei vasina misha yokugara vava kuita misha yavo munzvimbo dzekutandarira idzi.

Asi vakavamba sangano rezvehutano hwepfungwa re PeaceHub Zimbabwe, Muzvare Peace Hungwe, vanoti vamwe vari kubva kumajeri ndivo vari kuzara munzvimbo dzekutandarira idzi sezvo vasina kwekuenda.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati basa remapurisa nderekuona kuti mutemo wenyika watevedzwa nemunhu wese.

Gurukota rezvekugara zvakanaka kwevanhu, VaJuly Moyo, havana kutipa mhinduro inogutsa padambudziko rakatarisana nevanhu vasina dzimba dzekugara.

Nyanzvi munyaya dzekugara zvakanaka kwevanhu munyika dzinoti Zimbabwe ine vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru vasina pekugara. Huwandu uhu hunonzi huri kukonzerwa nekuoma kwehupenyu, kushaikwa kwemabasa, zvimwe zvichikonzerwa nekutora zvinodhaka.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG