Accessibility links

Breaking News

SADC Inoti Musangano Mukuru weKuzeya, Zimbabwe, DRC neEswatini Hauchaitwe neChitatu


VaHakainde Hichilema, Presidente (Zâmbia naVaJoão Lourenço, (Angola)
VaHakainde Hichilema, Presidente (Zâmbia naVaJoão Lourenço, (Angola)

Mutauriri weSADC Amai Barbra Lopi vaudza Studio 7 kuti mutungamiri wenyika yeAngola VaJoão Lourenço, vanova zvekare sachigaro weSADC vazivisa kuti musangano mukuru weExtraordinary Summit wange uchifanira kuitwa nemusi weChitatu wave kuzoitwa pane rimwe zuva risati ratarwa.

Asi Amai Lopi vati hapana zvikonzero zvapihwa zvekuti sei musangano uyu wamnzi hauchaitwe.

Musangano uyu uri kutarisirwa kuzeya nyaya yekutumirwa kwemauto eSADC kuDRC, sarudzo dzakaitwa muZimbabwe nemuiEswatini.

Amai Lopi havana havo kuda kubuda pachena kuti nyaya yeZimbabwe ichazeyiwa kusvika papi.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti VaLourenco vachapihwa gwaro richabva kumutungamiri weZambia VaHakainde Hichilema vanova zvakare sachigaro weSADC Troika. VaHichilema ndivo vakadoma sachigaro wevakatungamira chikwata chevaongorori veSADC Doctor Nevers Mumba.

VaMumba vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeZambia VaNerves Mumba.

Hurumende yeZimbabwe yange ichitsika madziro kuti musangano uyu uitwe uye yange ichipomera VaHichilema mhosva yekuda kukonzera kusagadzikana munyika. Mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vakatomboudza Studio 7 kuti gore rino hakuna zvaizotaurwa neSADC nenyaya yeZimbabwe. Zimbabwe yaishora gwaro reSADC ichiti raive nepfungwa dzaVaMumba kwete vamwe vaongorori.

Vachitaura neStudio 7, Doctor Mumba vakati vakayedza kutaura neZimbabwe zvakanaka asi iyo ndiyo yakabva yakwira pachuru ichirova bembera.

SADC ichazeyawo mhinduro kubva kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri webato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa nezvemaonero avo pagwaro revaongorori vayo. VaChamisa vakaudza Studio 7 kuyi vakaendesa gwaro remaonero avo kuSADC zvondo rapera.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology vanoti havana chivimbo kuti pane chinobuda pamusangano uyu.

Asi mupepeti mukuru webepanhau reThe News Hawks, VaDumisani Muleya vanoti musangano uyu wakakosha sezvo zviri kubuda pachena kuti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambirawo kuti kuitwa kwesarudzo dziri kunzi hadzina kuchena kuchapa kuti kugadzirisa nyaya yechikwereti chinodarika mabhiriyoni gumi nemanomwe kana kuti 17 billion kunetse sezvo vanokweretesa mari vainge vadi vanobatsira Zimbabwe kana yaita sarudzo dzakachena.

Kutadza kugadzirisa nyaya yechikwereti kuri kupa kuti vemabhizimisi vemunyika vatadze kuwana mari yekusimudzira mabasa avo kunze uye vanoda kuuchika mari vachiti kushanda neZimbabwe kusungirira mari pagumbo reingwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG