Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Icharanga neShamhu Ine Munyu veMabhizimisi Madiki Vari Kuramba Kutambira Dhora reMunyika


Hurumende inoti vemabhizimusi madiki vanofanira kushandisa mari yemuno, kwete kuiramba sezvavari kuita, vachida kungotengesa neyekunze. Kukundikana kuita izvi, hurumende yati ichashandisa shamhu ine munyu kuti vane mabhizimusi akadai vapinde mugwara.

Mashoko aya ataurwa neguruota rinoona nezvemaindasitiri, Amai Sithembiso Nyoni, mushure mekuvhakachira zvitoro zvidiki zvinohodhesa zvinhu zvakasiyana-siyana muguta reHarare.

Mushure mekupedza kuona mashandiro ari kuita vemabhizimusi madiki aya, Amai Nyoni vatiwo kanzuru yeHarare haifaniri kupa marizinesi ekushanda kune vanhu vasingakodzeri, vavati vanosanganisira zvizvarwa zvekunedzimwe nyika dzinenge dzisina mapepa akakwana.

Vashorawo kushaika kwezvimbuzi nenzvimbo dzakachena dzekushandira muzvitoro zvichinji zvavapinda.

Vachitaura neStudio 7, mukuru wesangano rinomirira ana muzvinabhizimusi vezvitoro zvidiki izvi, reTuckshop Association, VaChamunorwa Mukova, vati vanoda chose kushandisa mari yemuno, asi zvinogona kukanganisa mabhizimusi avo.

Mukuru wekomishini inomirira vatengi, yeConsumer Protection Commission, VaZororo Muranda, vanoti kushandiswa kwemari yemuno kunobatsirawo vatengi vakawanda vanohora mari yeZimbabwe dollar.

Asi nyanzvi inowongorora nyaya dzezvehupfumi, uye vari mukuru wekambani reFinx Zimbabwe, Muzvare Happiness Zengeni, vanoti anoparara mabhizimusi madiki, akana akashandisa mari yemunyika.

Imwe nhengo yechikamu chaanachipangamazano chebhanga guru renyika reRBZ, cheMonetary Policy Committee, Professor Albert Makochekanwa, vanoti hurumende ine musenzekete wekugadzira hwaro hunoita kuti vemabhizimusi madiki vasaramba mari yemuno.

Pane kusawirirana muhurumende, apo bazi rinoona nezvehupfumi hwenyika richiti vemabhizimusi madiki vari kugona chose, asi RBZ ichiti haisi kufara nemaitirwo emabhizimusi muchikamu ichi.

Nhasi Amai Nyoni vavimbisawo kuti hurumende ichaedza nepainogona napo kubatsira mabhizimusi echidiki kuti asimukire.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG