Accessibility links

Breaking News

Musangano weBhanga reStanbic neNyika yeChina weKuvaka Hukama muNyaya dzeMabhizumusi Unotanga muHarare


Musangano weStanbic-China Day muHarare.
Musangano weStanbic-China Day muHarare.

Musangano wepagore unoitwa nebhanga reStanbic rakabatana neChina, weAnnual Stanbic China Day, watanga muHarare, bhanga reStanbic richikurudzira kushandidzana kunoita kuti vese vanamuzvinabhizimisi vemunyika nevekuChina vange vachiwana cheuviri pasina anotsutsumwa.

Makambani akawanda emunyika pamwe neekuChina anga achiratidza zvinhu zvawo zvakasiyana siyana pamusangano wemazuva maviri uyu.

Vachitaura pamusangano wemazuva maviri uyu uyo waitirwa paCelebration Center muBorrowdale muHarare, mukuru webhanga reStanbic, VaSolomon Nyanhongo, vati ivo sebhanga rine hukama nevamwe vezvemabhizimisi vekuChina, vachaita zvese zvavanokwanisa kuti pasava nevanotsutsumwa mumaitirwo emabhizimisi pakati pevekuChina nezvizvarwa zveZimbabwe.

“Tichiti wini-wini tinenge tichireva kuti munhu wese ange ane chaanobuda nacho kuitira kuti bhizimisi rake risimukire,” vakadaro VaNyanhongo.

Vamwe vapinda musangano weStanbic nenyika yeChina
Vamwe vapinda musangano weStanbic nenyika yeChina

VaHaonan LIU, vanoshanda vari kuJohannesburg kuSouth Africa, vari ivo mumwe wevakuru vebhanga rekuChina reIndustrial and Commercial Bank of China Limited (CICBC), iro rine zvikamu mukambani yeStandard Bank Group, inove muridzi weStanbic, vati vanofara kuti makambani ekuChina ari kuwedzera mabhizimusi muZimbabwe.

Vati izvi zvinoratidza kuwirirana kukuru pakati peZimbabwe nenyika yavo.

Muzvare Viola Chigara, avo vanga vachiratidza mabasa anoitwa nekambani yavo yeMinerva inoita zvemainishuwarenzi, vati vane tarisiro yekudyidzana zvakanaka chose nemabhizimisi ekuChina.

“Pane zvaitwa nhasi tine tarisiro yekuti tichawana mabhizimisi kubva kuChina. Tinotenda nemusangano waitwa nhasi watiratidza kuti tese mukushanda nevekuChina, tese naivo tinezvatinobuda nazvo,” vanodaro Muzvare Chigara.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi hwenyika uye vakamboshandira bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaMasimba Manyanya, vane maonero akasiyana naMuzvare Chigara.

“Zvino zvatava kutarisana nemakambani akazvimirira ega semabhanga, zvoreva kuti mabhanga ava kutora rutivi rwamaChina veruzhinji vachiyuwira nenhamo,” vakadaro VaManyanya.

Mukuru wekambani inovandudza kudyidzana pakati peZimbabwe nedzimwe nyika mune zvemabhizimusi, yeDiplomat Business Network, VaRobert Muganda, vati ivo nekambani yavo vachaita kuti pashaye vanochema-chema pakuita mabhizimisi.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika nekutengeserana, Va Frederick Shava, kuti tinzwe divi rehurumende sezvo nhare dzavo dzanga dzisiri kudairwa.

Stanbic-China Day
Stanbic-China Day

Hurumende yeZimbabwe yagara ine hukama hwebhande nebhurugwa neChina kubva munguva yehondo yerusununguko, uye vamwe vanoongora zvematongerwo enyika vanoti China inomira neZimbabwe munguva dzakawanda, kusanganisira pakatemerwa vakuru vehurumende zvirango mushure mekutyora kodzero pamwe nekusaremekedza mitemo.

Humbowo hwekutengeserana kwenyika hwakaburitswa ne United Nations COMTRADE hunoratidza kuti gore rapera Zimbabwe yakatenga zvinhu zvinokosha US$1.12 Billion kubva kuChina, iyo ichitengawo zvinhu zvinokosha US$583.6 Million.

China inonyanya kutenga fodya, nezvicherwa zvinosanganisira goridhe ne chrome kubva kuZimbabwe, uye yasima mabhiriyoni emadhora akawanda mukuvamba makambani ayo munyika.

Zimbabwe inotengawo kubva kuChina mishina, dzimotokari, mishonga yemuzvipatara nezvimwe zvekurimisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG