Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanotara Zuva reSarudzo dzeBy-Election Kutsiva Nhengo dzeCCC Dzakadzingwa muParamende


Zimbabwe President Inauguration
Zimbabwe President Inauguration

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatara musi wa 9 Zvita semusi uchaitwa sarudzo dzekutsiva zvigaro zvenhengo dzeCitizens Coalition for Change, CCC, dzakadzingwa mudare reparamende. Asi CCC inoti zvaitwa naVaMnangagwa hazvisi pamutemo.

VaMnangagwa vazivisa zviri pamutemo kuti sarudzo dzichaitwa mumatunhu mapfumbamwe uye dare reNomination Court richagara musi wa 7 Mbudzi.

Matunhu ari kuitwa ma by-election anoti Beitbridge West, Binga North, Bulawayo South, Cowdray Park, Lobengula Magwegwe, Lupane East, Mabvuku Tafara, Mpopoma-Mzilikazi nekuNketa.

Izvi zvinotevera kudzingwa kwenhengo dzeCCC makumi maviri neina muNational Assembly nemudare reSenate zvichitevera tsamba yakanyorerwa matare maviri aya nevari kuzviti vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu.

VaTshabangu vakadzingisawo makanzura, akawanda acho ari ekuguta reBulawayo, uyewo vanga vari meya weMasvingo, Muzvare Shantiel Chiwara.

Mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostallos Siziva, vati vari kushamiswa nekutarwa kwezuva resarudzo pachine nyaya iri kumatare uko vari kupikisa masimba akazvipa VaTshabangu.

“Isu seCCC hatina vanhu vatakadzingwa saka hazvigoni kuti kuitwe sarudzo. Chechipiri, zvinoratidza kuti hurumende yaVaMnangagwa ine chekuita nekudzingwa kwenhengo dzedu nekuti nyaya iyi ichiri kumatare vatomhanya kutara zuva resarudzo vachiratidza kuti chinangwa chavo ndechekuti vaparadze bato redu. Mhosva yedu kuti takakunda musarudzo, “ vadaro VaSiziva.

Asi nyanzvi mune zvemutemo uye vakafanobata chigaro chemukuru weZimbabwe Human Rights NGO Forum, VaWilbert Mandinde, vaudza Studio 7 vari kuArusha kuTanzania kuti hapana pamutemo chinomisa VaMnangagwa kuti vatare mazuva esarudzo sezvo vakaziviswa kuti kunzvimbo idzi hakusisina vamiriri.

“Hapana pamutemo chinokonesa VaMnangagwa kuti vatare mazuva esarudzo kana kwanza hakusisina vamiriri. Sekuziva kwedu mutauriri weNational Assembly VaMudenda vakatoendesa mashoko kuZEC nekumutungamiriri wenyika kuti hapasisina vamiririri.

"Hongu nyaya ichi kudare asi hazvirevi kuti zvimwe zvose zvinombomira. Kuti zvimire dare rinenge rasanopa mutongo wekuti zvimire. Parizvino hapana akaendesa chikumbiro chechimbi chimbi kuti vambomira,” VaMandinde vadaro.

Chipangamazano chePeople’s Unity Party, VaHerbert Chamuka, vaudza Studio 7 kuti VaNelson Chamisa vaifanirwa kutanga vatsvagurudza nhoroondo yenhengo dzavo.

Asi vatiwo vanoona sekuti bato reZanu PF haridi bato rinovapikisa.

Vati, “Bato reZanu PF haridi kuona VaChamisa vachikwikwidza kana CCC ine nhengo dzeparamende. Saka bato reCCC haisi kutodiwa zvachose neZanu PF nekuti Zanu inoda bato rinoita zvido zvaro kwete bato rinovapikisa. Izvi zvinorevakuti munyika muchaita bato rimwe reZanu PF.”

Dzimwewo nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti VaMnangagwa vari kutara mazuva esarudzo panguva iyo nyaya yakataurwa nevaongorori vesarudzo veSADC neAfrican Union isati yakurukurwa nezvayo nehurumende nemapato anopikisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG