Accessibility links

Breaking News

CCC Yoronga Kuratidzira Nyika Yose Kunyangwe Hurumende Iri Kuyambira Kuti Kuzvisikira Moto muZiso


Mutevedzeri wemutauriri weCCC VAOstallos Siziba
Mutevedzeri wemutauriri weCCC VAOstallos Siziba

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti vana veZimbabwe vachiratidzira munyika yose senzira yekutsutsumwa nemafambisirwo akaitwa sarudzo muna Nyamavhuvhu. Izvi zviri kuuya mushure mekunge hurumende yamboyambira bato iri kuti haisi kuzoritendera kwainoti kuda kukonzera kusagadzikana munyika.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau nhasi kuBelvedere, muHarare, mutevedzeri wemutauriri weCCC, VaGift Ostallos Siziba, vati vana veZimbabwe vachashandisa kodzero iri mubumbiro remitemo yenyika yekuratidzira.

Vati, “Vanhu veZimbabwe vane kodzero yekuratidzira kuti havasi kuwirirana nezvakaitika musi wa23 Nyamavhuvhu 2023 nekuti kodzero idzodzo dzirimo mubumbiro remitemo yenyika.”

Asi vachitaura nevamiriri venyika dzemuAfrica vari muZimbabwe neMuvhuro, vakafanobata chigaro chegurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAmon Murwira, vakati havasi kuzotendedza vavanoti vanoda kukonzera kusagadzikana munyika vachinyebera kuti ndezvehutongo hwejekerere.

Asi mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa vanoti bumbiro remitemo rinopa kodzero yekuratidzira.

VaSiziba vatiwo vari kuda kuti munyika muitwe nhaurirano dzekupedza bopoto rekusafambiswa zvakanaka kwavanoti kwakaitwa sarudzo vachiti dzinofanira kudzokororwa.

Masangano akaita seSADC, African Union, European Union nemamwe emunyika nekunze akati sarudzo dzemuZimbabwe hadzina kuitwa pachitevedzerwa bumbiro remitemo nezvibvumirano zvakanyoreranwa neZimbabwe nedzimwe nyika.

Mukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko mubato reZANU PF, VaFarai Marapira, vaudza Studio 7 kuti mapato ezvematongerwo enyika akasununguka kuita zvaanoda asi vachiti akatyora mutemo wenyika anosungwa.

Vati, “SeZanu PF hatiudze mamwe mapato kuti aratidzire kana kuti arege asi chatino kurudzira ndechekuti munhu wese ari muZimbabwe ari pasi pemutemo ngatiitei zviri pamutemo uye anenge avhuna mutemo tinourudzira kuti mapurisa aiite basa rawo nemazvo.”

Vachitaura nezvenhengo dzavo dzakadzingwa nemumwe ave kuzviti ndiye munyori mukuru webato reZanu-PF, VaTafadzwa Manyika , VaMarapira vati ndezvamugotsi matsuro sezvo vane zvigaro mubato reZANU PF vachizivikanwa. Vati, “ Zvinhu zveZanuPF zviri pajekerere uye zvakarongeka saka hatineyi nadzo tsamba dzinonyogwa nevanyori vekumwe.”

Asi VaSiziva vati vanotarisira kuti mutauriri weNational Assembly, VaJacob Mudenda, vatore matanho nezvetsamba yekudzinga veZanu PF iyi. Vati, “Tirikutarisira kuti vatore matanho netsamba iyi sezvo zviriizvo zvavakataura kuti ivo vanongotambira tsamba voita zvirimutsamba. Saka tirikutarisira kudzingwa kwevanhu makumi manomwe eZanu PF akadzingwa nemunyori.”

Studio 7 yakundikana kubata VaMudenda panharembozha yavo kuti tinzwe divi ravo nezvetsamba yakabva kuna VaManyika.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu Doctor Musa Kika avo vakambotungamira sangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum vanoti nyaya yekusatevedzera mitemo ndiro dambudziko guru munyika.

Vati, “Takatarisa zvaiitika mazuva apera mudare reparamende tirikuona kusava nechido kana hanya yekutevedzera bumbiro redu remitemo. Naizvozvo senyika tasvika panguva yekuti tiwane kutaurirana kuti bumbiro redu remitemo iri tichiri kurida here, tichirikuriona sechitsidzo chatakaita sevanhu kuti ndiwo magaririro atinoda kuita here pamwechete.”

Sarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu dzakaunza mutauro wakanyanya munyika, vemapato anopikisa nevaongorori vesarudzo kusanganisira veSADC ne European Union vachiti sarudzo idzi hadzizadzisi zvinotarisirwa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG