Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vanoti SADC Yakafumura Zanu-PF Uye Vanoti Vaisuma Kuti Matare emuNyika Haakwanise Kuita Mutongi Gava


Mutungamiri weZambi VaHakainde Hichilema
Mutungamiri weZambi VaHakainde Hichilema

Mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti gwara rakaburitswa nevaongorori vesarudzo veSADC rakafumura kubirirwa kwavanoti kwakaitwa sarudzo dzemuZimbabwe.

SADC yakatumira gwaro kuhurumende nekuCCC ichida kunzwa pfungwa dzavo pagwaro rayakaburitsa riri kuti sarudzo dzemuZimbabwe hadzina kuitwa zvinotarisirwa pazviga zvegungano iri uye zveAfrican Union.

Rinoti pane zvakawanda zvakaitwa zvinotyora bumbiro remitemo renyika. Yakashorawo mimwe mitemo yaipihwa nematare emunyika.

VaChamisa vati zvakataurwa neSADC handi zvinhu zvinowanzoitwa nemasangano emuAfrica avati dzimwe nguva anoruma achifuridzira.

Vachitaura neStudio 7, VaChamisa vati vakapihwa gwaro neSADC svondo rapera kuti vape pfungwa dzavo uye vakatoita izvi.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havasati vapindura zvakataurwa neSADC.

VaMnangagwa vari kuti sarudzo dzemuZimbabwe dzakafambiswa zvakanaka.

Asi masangano akawanda munyika nekunze anoti sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG