Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yodaidzira Musangano weChimbichimbi neVamiriri veNyika dzemuAfrica Ichitsanangura Kuti Inoremekedza Hutongo Hwejekerere


VaAmon Murwira
VaAmon Murwira

Hurumende nhasi yadaidzira musangano nechimbi chimbi nevamiriri venyika dzemuAfrica vari muZimbabwe ichiti iri kuda kujekesa mamiriro ainoti akaita zvinhu munyika munyaya dzezvematongerwo enyika.

Izvi zvinotevera sarudzo dzakaitwa dzikashorwa nevakawanda pasi rose uye kudzingwa kwedzimwe nhengo dzebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change zvopa kuti vamwe vati Zimbabwe yatora gwara rehurumende dzinoita zvehumbimbindoga.

Vachitaura vari kumahofisi ehurumende eMunhumutapa muHarare nhasi, vakafanobata chigaro chegurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Muzvinafundo Amon Murwira vati kuratidzira nekusaenda kudare reparamende kwenhengo dzeTripple C hakurevi kuti Zimbabwe haichatevedzere mutemo.

VaMurwira vati hurumende haipindire pane zvinenge zvichiitika mudare reparamende uye kumatare nekudaro haine nechekuita nekudzingwa kwenhengo dzeTripple C mudare nemumakanzuru. Nhengo dzeCCC dzakadzingwa nemutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vachiti vainge vanyorerwa tsamba nevari kuzviti munyori mukuru webato iri VaSengezo Tshabangu. Asi kunyangwe veCCC vakanyora tsamba vachiyedza kujekesa kuti VaTshabangu havana masimba aya, VaMudenda vanonzi havana kuzvteerera.

VaMurwira vatiwo vanopikisa vagara havadi kutambira zvabuda musarudzo uye vakati hurumende inoda kuita nhaurirano nevanopikisa asi kuburikidza nePOLAD. Asi mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa nevamwe vanopikisa vanoti zvePOLAD ndezvemugotsi matsuro.

Kunyangwe vamwe vakaita saVaJob Sikhala, VaJacob Ngarivhume nevamwe vebato reMthwakazi Republic Party vapfumbamwe vari mujeri nezvinonzi nevamwe inyaya dzezvematongerwo enyika, vaMurwira varamba kuti pane vari mumajeri nenyaya dzezvematongerwo enyika

Vachitaura mushure memusangano wanhasi, mumiriri weRwanda VaJames Musoni vanotungamirawo mubatanidzwa wevamiririri venyika dzemuAfrica muZimbabwe vaudza Studio 7 kuti vagutsikana nezvataurwa nehurumende kuti zvinhu zvakagadzikana munyika.

Vachitaura neStudio 7 mumwe wevatevedzeri vemutauriri weCCC, VaGift Ostallos Siziva vati munyika munedambudziko guru kunyangwe hazvo hurumende isirikuda kubvuma

Murwiri wekodzero dzevanhu vachishanda nesangano reZimbabwe Democratic Institute kana kuti ZDI VaBekezela Gumbo vati hurumende iri kureva nepasipo nekuti munyika maberekera ingwe kune vanopikisa.

Vamwe vamuriri venyika dzemuAfrica vapinda musangano uyu vanosanganisira mumiririri weGhana, Kenya, Ethopia , Saharawi neAlgeria. Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti nyika dzakawanda muAfrica nekunze hadzisi kufara negwara ratora Zimbabwe munyaya dzezvematongerwo enyika. Kusagadzikana muZimbabwe kuri kupa kuti vamwe vana veZimbabwe vanopotera kunyika dzakawakidzana zvokonzera matambudziko.

Nyika dzakatemera vamwe vatungamiri vehurumende dzakaita seAmerica dzinoti zvirango hazvisi kuzobviswa kusvika Zimbabwe yatevedzera hutongo hwejekerere nekuita sarudzo dzakachena. Vaongorori vesaridzo veSADC neAU vakati Zimbabwe haina kuita sarudzo sezvinotarisirwa nemasangano aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG