Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Okuvadza Nhengo dzeCCC Achidzimanikidza Kubuda Mudare reParamende


Nhengo dzakawanda dzebato rinopikisa reCCC, nhasi dzakakuvara uye dzimwe dzabvururirrwa hembe apo mapurisa anodzivirira nyonga nyonga apinda mudare reNational Assembly akarwisana nadzo.

Izvi zvinotevera kuramba kubuda mudare kwedzimwe nhengo dzebato iri dzichitsutsumwa nekudzingwa kwevamwe vadzo gumi nevashanu mudare zvichitevera tsamba yakanyorwa kumutauriri wedare iri VaJacob Mudenda naVaSengezo Tshabangu avao vanozviti munyori webato reCCC.

Dare iri range richigara kekutanga zvichtevera sarudzo dzaikaitwa munaNyamavhuvhu uye mushure mekugadzwa kwedzimwe nhengo idzi dzinoti VaPrince Dubeko Sibanda naAmai Jasmine Toffa, VaMudenda vabva vazivisawo dare kuti vakatambaira tsamba kubva kuna VaTshabangu yekuti vadzinge dzimwe nhengo dzebato iri.

Asi vanokokera nhengo dzeCCC mudare reHouse of Assembly VaAmos Chibaya, vabva vazivisa kuti bato ravo harisizive VaTshabangu.

Asi izvi zvarambwa naVaMudenda. VaChibaya vati zvioshamisa kuti VaMudenda vakatambnira tsamba YaVaTshabangu musi wa3 mwedzi uno asivakaramba kutaura nezvetsamba yakanyorwa nebato ravo musi wa11 mwedzi wapfuura ichavazivisa kuti tsamba dzese dzinobva kuCCC dzinobva nekumahofisi emutungamiriri wavo, VaNelson Chamisa.

VaChibaya vanoti dzimwe nhengo dzebato ravo dzakuvara mushure mekunge mapurisa adaidzwa kuzodziburitsa mudare nechisimba.

Vanokokera Zanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vashora zvikuru zvaitwa neCCC.

Asi mukuru weZimbabwe Democray Institute Doctor Pedzisayi Ruhanya vati zvaitwa nehurumende nebato reZanu-PF zvinoshaisa nyika chiremera pasi rose.

Mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party Doctor Wurayayi Zembe vati zvaitika zvinoratidza kuti Zimbabwe hairemekedzi bumbiro rayo remitemo.

Zvichakadai VaTshabangu vanyorawo tsamba kudare reSeneti vachidzinga nhengo pfumbamwe dzeCCC dzinosanganisira, VaFelix Magela Mafa Sibanda, VaJoel Gabuza VaDavid Chimhini Amai Helen Zivira naAmai Spiwe Ncube.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG