Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vokurudzira United Nations Kuti Ipindire Mukuunza Runyararo kuMiddle East


Kurwisana kunotyisa kuri kuenderera mberi pakati peIsrael nechikwata chekuPalestine cheHamas uye huwandu hwevanhu vafa hwadarika chiuru nemazana maviri.

Kudeuka kweropa uku kwave kupa kuti dzimwe nyanzvi munezvekudyidzana nedzimwe nyika dzikurudzire nhaurirano.

Kanzuru yemubatanidzwa wenyika dzepasi rose yeUnited Nations Security Council yakaita musangano wechimbichimbi nezuro asi nyika dziri mugungano iri gumi neshanu dzakatadza kuwirirana. America yainge yakurudzira kuti nyika idzi dzishore zvainge zvaitwa neHamas zvekutanga kurwisa Israel asi dzimwe nyika kusanganisira Russia dzakaramba kutora divi reAmerica.

Asi vakawanda muZimbabwe vari kukurudzira kuti paitwe nhaurirano kunyange vari kurwisana vasiri kuratidza kuti vari kuda kukanda zvombo pasi.

America iri kuti Hamas ndiyo yakatanga musindo, uye yakatotumira zvombo zvekubatsira Israel zviri kutarisirwa kusvika nhasi. Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaGibson Nyikadzino vaudza Studio 7 kuti United Nations inofanira kuona kuti paita runyararo. Vashorawo nyika dzavanoti dziri kupesvedzera hondo.

Mutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change,VaPromise Mkwananzi, vanoti shuviro yavo ndeyekuti United Nations ione kuti paita runyararo.

Vakafanobata chigaro chemukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vatiwo Zimbabwe inoda kuwirirana nenyika dzepasi rese nekudaro bato ravo riri kushuvira kuti kurwisana uku kupere.

Nyanzvi munezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaAlois Mtizira, vati kunyange hazvo rwendo rwuno Hamas iriyo yakatanga kurwisa Israel vanotarisira kuti kurwisana kucharamba kuchienderera mberi kana pasina kutambirwa kurudziro yekuti paumbwe nyika mbiri dzinogara murunyararo kana kuti two “state solution”

Mutauriri webazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaLivit Mugejo, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe ichatura mashoko ayo kuvatori venhau pamusoro pehondo iyi munguva pfupi inotevera.

Mumiririri wePalestine muZimbabwe, Dr Tamer Almassri, vati ndivo vari kutadzirwa neIsrael vachiti vacharamba vachirwisa kusvika vakwanisa kusunungura nyika yavo.

Studio 7 yakundikana kunzwa kubva kumuzinda weIsrael muZimbabwe sezvo pange pasina ari kudaira runhare.

Asi mutungamiri wehurumende yeIsrael VaBenjamin Netanyahu vaudza vatori venhau nhasi kuti vari kuzotorera Hamas matanho akaomarara muGaza zvichavandudza mamiriro ezvinhu muMiddle East.

Israel inoti vanhu vanodarika mazana manomwe vafa munyika iyi. muGaza vanhu vanodarika mazana mashanu vanonzi vafawo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG