Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inodzika Mitemo Inorambidza Kuungana neKubatana Maoko muMatunhu Ane Dambudziko reCholera


Chirwere che cholera chinonzi chabata matunhu maduku akawanda emunyika.
Chirwere che cholera chinonzi chabata matunhu maduku akawanda emunyika.

Zvichitevera dambudziko rechirwere chekorera ravhiringa nyika, hurumende inoti yadzika mitemo inorambidza vanhu kuungana vakawandisa parufu nemudzisvondo zvikuru mumatunhu akatarisana nedambudziko rechirwere ichi.

Mugwaro rayaburitsa pamusoro pechirwere ichi nhasi, bazi rehutano rinoti kusvika nezuro vanhu zviuru zvina nemazana matanhatu nemakamumi mana nevashanu (4,645) vanofungidzirwa kuti vange vabatwa neKorera uye mazana mapfumbamwe nevashanu (905) ndivo vakaongorwa kuzvipatara vakaonekwa kuti vakabatwa nechirwere ichi.

Chirwere ichi chinonzi chapararira mumatunhu madiki emunyika makumi mana nerimwe, kusanganisira muguta guru reHarare.

Kusashambidzika kunonzi kunokonzerawo cholera.
Kusashambidzika kunonzi kunokonzerawo cholera.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vaudza Studio 7 kuti bazi ravo rine nyanzvi mumatunhu ese munyika dziri kubatsira varwere pamwe nekudzidzisa veruzhinji pamusoro pechirwere ichi.

“Tinokurudzira kuti kana munhu achinge arwara ngaaende kuchipatara chiri pedyo naye uyewo vanhu nagavageze maoko vasati vadya pamwe nekushandisa zvimbuzi uye kuti vanwe mvura yakachena.”

Vaimbova gurukota rezvehutano panguva yehurumende yemubatanidzwa zvakare vari meya weKwekwe, Doctor Henry Madzorera, vati chirwere ichi chinokonzerwa netsvina uye vakurudzira kuti hurumende nemakanzuru zvipe vanhu mvura yakachena pamwe nekutakura marara.

“Nyaya inofanira kuitwa nehurumende ndeyekuona kuti vanhu vane mvura yakachena toona kuti masiweji edu anofamba zvakanaka uyewo kuona kuti vanhu vanotevedzera zvese zvinoita kuti vasabatwa nekorera. ndizvo chete zvinokwanisa kupedza denda rekorera.”

Vatiwo zvakakosha panguva ino yedambudziko rechirwere ichi kuti bazi rezvehutano ringe riine vamiriri varo pamisangano nemagungano kuitira kuti rione kuti vanhu vatevedzera here nzira dzekudzivirira kupararira kwechrwere ichi here.

Marara anonzi haasi kutakurwa muHarare.
Marara anonzi haasi kutakurwa muHarare.

Mukuru wesangano reCommunity Working Group on Health, VaItayi Rusike, vaudza Studio 7 kuti kudzoka kwechirwere ichi kunoratidza kuti nyika haina zvayakadzidza kubva muna 2008 apo pakafa vanhu vanodarika zviuru zvina nemazana maviri nemakumi masere nevanomwe vakafa nechirwiri ichi.

“Kana tisina kugadzirisa zvinokonzera korera tinoramba tiine dambudziko redenda rekorera.”

VaRusike vakurudzira veruzhinji kuti vazvichengetedzewo vachiti harisi basa rehurumende nemakanzuru chete kuchengetedza hutano hwavo.

“Isu munharaunda tinofanira kuzvichengetedzawo kubva kuchirwere ichi.”

Mukuru werimwe sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa, re Vendors Initiative for Economic and Social Transformation, VaSamuel Wadzayi, vakurudzira nhengo dzesangano ravo kuti dzishandire munzvimbo dzakachena pamwe nekutevedzera zvese zvinodiwa nevehutano senzira yekudzivirira kupararira kwekorera.

“Chatinogona kuita isu seboka kukurudzira nhengo dzedu kuti dzichashandire munzvimbo dzakachena uye kuti vashande vaine hwaro hwekusatevedzera kupararira denda iri.”

Veruzhinji vari kukurudzirwa kugeza michero vasati vaidya.
Veruzhinji vari kukurudzirwa kugeza michero vasati vaidya.

Kushaikwa kwemvura yakachena, kusatakurwa kwemarara mumaguta pamwe nekudhu ka kwepombi dzinotakura tsvina ndezvimwe zvinonzi zviri kukonzera kupararira kwezvirwere zvemanyoka munyika.

Nyika dzemudunhu rekuchamhembe kweAfrica dzinosanganisirawo Malawi, South Africa neMozambique dzakasanganawo nedambudziko rechirwere ichi munguva pfupi yadarika izvo zvakasiya vanhu vanodarika chiuru vafa kuMalawi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG