Accessibility links

Breaking News

UNICEF Yoparura Chirongwa Chinopa veChidiki Izwi Mukugadzirisa Matambudziko Avanosangana Nawo


United Nations Children's Fund (UNICEF) muZimbabwe nhasi yaparura chirongwa chinosimudzira mazwi evechidiki nevana senzira yekurwisa matambudziko avarikusangana nawo pamwe nekutsvaka nzira dzekuagadzirisa.

Vachitaura vari pamuzinda weUNICEF muHarare nhasi mushure mekuparurwa kwechirongwa chichapa vechidiki vari pakati pemakore gumi negumi nemapfumbamwe (10-19 years) mikana yekuti vataure vega matambudziko avari kusangana nawo nezvingaitwe kugadzirisa matambudziko aya.

Mumwe wevanoona nezvekubudiswa kwemashoko musangano iri, VaJohn Mokwetsi, vati vechidiki vari kusangana nematambudziko akadai sekurasikirwa nehupenyu pakusununguka nekuti vamwe vavo vanenge varoorwa vasati vabva zera, uye kurarama nehutachiwana hweHIV nezvimwewo.

Vati zvingabatsire kwazvo kana vechidiki vakapa pfungwa dzavo kuti matambudziko aya angapedzwa sei? VaMokwetsi vati, “Takatarisa tikaona kuti hatisi kukwanisa kunyatsopa kupa shoko rinonzwikwa takatarisa panyaya dzinokanganisa vana vezera iri.” Vatizve, “ Tikatarisa ikozvino tinoona kuti chipandi chimwe pazvitatu chevanofa vachibatsirwa vana vezera iri."

VaMokwetsi vati UNICEF yakaumbawo komiti yevechidiki inonzi Adolescents Youth Advisory committee inenge ichibatsira mukurongwa kwemabasa anechekuita nezera iri muzvirongwa zvesangano ravo . Vati, "PaUnicef pakaitwa Youth Advisory komiti, nemukuru wedu Dr. Tajudeen Oyewale kuti vange vachipa inzwi ratange tichitaura.” Vaenderera mberi vachiti, “Saka parizvino vanosangana navo vana ava nguva nenguva .Vana ava vanouya vachitaura kuti apa hatisi kunzwika apa panoda kudayi."

Sangano reUNICEF ratiwo zvakakosha kuti vatori venhau vapewo mikana kune vechidiki ava kuti vataure matambudziko avari kusangana nawo, uye kuti zvii zvingaitwa kupedza matambudziko aya, uye zvav kuzvisimudziraari kuita kuzvisimudzira sevechidiki.

Imwe nhengo yekomiti yevechidiki ye Adolescents and Youth Advisory Committee, Muzvare Hazel Mandaza, vaudza Studio 7 kuti hakuna chingaitirwa vechidiki pasina pfungwa dzavo. Muzvare Mandaza vati, "Hapana chingafamba chine chekuita nevechidiki ivo vechidiki vasina izwi pamusoro pacho nekuti ivo ndivovanokwanisa kutaura kuti matambudziko avarikusangana nayo ndeapi."

Vatiwo kupanawo mazano kwevechidiki pachavo kunogona kubatsirawo kuti vakurumidze kunzwisisana nekukurumidza kudzivirira mamwe ematambudziko avanosangana nawo. Vati,"Isusu sevechidiki ndinotenda kuti kudzidzisana pachedu chinhu chinogona kuti batsira nekuti tikatarisa nguva ino vechidiki vazhinji havachadi kuterera vakuru."

Imwe nyanzvi munezvehutano, Amai Mucha Mukamuri, vatenda kuti kupa vana mukana wekupa mazano kuzvirongwa zvine chekuita nehupenyu hwavo zvinogona kubatsira kurerutsa matambudziko anosanganikwa nawo nevechidiki. Amai Mukamuri vati, "Zvakanaka izvozvo kuti pavekupinda chirongwa chichaita kuti vakwanise kutaura kuti, manzwi avo anzwike kuti zvii zvirikuitika uye zvii zvingabatsira kurerutsa matambudziko avari kusangana nawo.” Vatizve, UNICEF yatiitira chinhu chakanaka."

Taedza kuti tinzwe kubva kubazi rezvehutano nekurerwa zvakanaka kwevana, asi mutauriri webazi iri, VaDonald Mujiri, vaudza Studio 7 kuti vanga vasati vawana ruzivo nezvechirongwa ichi.

Studio 7 yaedzawo kunzwa kubazi rezvevechidiki kana vaine zvavanoitirawo vechidiki vemazera ari muchirongwa ichi asi takundikana kubata gurukota rezvevechidiki, VaTino Machakaire.

Bumbiro remitemo yeZimbabwe rinotara vechidiki kana kuti youths, sevanhu vane makore ari pakati pegumi nemashanu kusvika kumakore makumi matatu nemashanu (15 to 35 years).

Chirongwa ichi chiri kunzi “UNICEF's Communication Campaign on Adolescents,” chatanga nhasi chichitarisirwa kupera muna Zvita wa2023 chiri kuitwa pasi pedingindira rekuti , "Nothing for us, without us." UNICEF inoti vana vari pakati pemakore gumi negumi nemapfumbamwe munyika vanosvika miriyoni imwechete nezviuru mazana masere, kana kuti 1.8 million

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG