Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu-PF Vochema Chema Nekudzingwa Papurazi neMapurisa Sarudzo Dzichangopera


Old Citrus
Old Citrus

Vamwe vatsigiri veZanu-PF vasara vaine misodzi pamatama vachiti mapurisa eZRP nhasi apisa nekupwanya misha yavo papurazi reOld Citrus farm kuChinhoyi. Mapurisa aparadza misha yemhuri ,azana maviri achiti dzakazvigadza zvisiri pamutemo. Purazi iri nderamuzvinabhizimisi VaPhilip Chiyangwa.

Asi mumwe apisirwa dzimba ndiVaJames Zvarehwanashe vanoti mutsigiri webato reZanu PF akatovhotera bato iri asi ave kubatwa neseri kweruoko. “Tichingopedza kuvhota tahwina kudaro pasina mwedzi tave kunzi chibvai”VaZvarehwanashe vaudza Studio 7.

Izvi zvatsinhirwawo naAmai Lilian Gasva vanoti vasiiiwa vari pamhene vasina kana chekubata.
Mapurisa emuChinhoyi anosvika zana ange ari mumarori afumonbata jongwe muromo kuenda papurazi reOld Citrus Farm apo atanga kupisa dzimba dzevanhu vanonzi vagere zvisiri pamutemo.

Zvinhu zvakawanda zvinosanganisirwa midziyo yemumba, huku, pamwe nezvirimwa zvakaita sechibage zvapiswa sezvo vakawanda vasina kuwana nguva yekubvisa zvinhu mudzimba.

Mumwe apisirwa midziyo yake ndiAmai Norest Mapiye avo vaudza Studio 7 kuti varasakirwa nemidziyo yemumba nezvipfuyo.

Amai Mapiye vanoti vakauya vachitsvaga munda vakaudzwa kuti vagare papurai apa matsamba ehugaro kana kutio offer letters achigadzirwa.

Mumwe mudzamai asina kuda kuzivikanwa nezita ane mwana ari kuita Grade 7 anoti mwana wake akanganiswa kunyora bvunzo. Vati, “Hazvisi nyore kuti munhu abhadharire mwana mari yechikoro kubva Grade 1 kusvika Grade 7 ozotadza kunyora bvunzo zvinorwadza”

Gweta riri kumirira vamwe vevanhu vari kudzingwa VaFortune Murisi vanoti vari mubishi kuona kuti gwaro riri kushandiswa kubvisa vanhu ava nderechokwadi here.

Asi gweta raVaChiyangwa, VaTungamirai Chamutsa rabvuma kuti mapepa ari kudzingisa vanhu ndechokwadi sezvo mutongo wakapihwa makore maviri apera.

Nyaya yekudzingwa nekupisirwa zvinhu papurazi reOld Citrus Farm yave nenguva ichiitika zvikuru mushure mesarudzo asi pasina zvinogadziriswa. Mapurisa anoti ari kungotevera mutongo wedare kuti purazi nderaVaChiyangwa. Dare repamusoro rakapa mutongo wekuti purazi nderaVaChiyangwa muna 2022.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG