Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vovhura Dare reParamende Pasina CCC


Parliament of Zimbabweåç
Parliament of Zimbabweåç

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vavhura dare reparamende regumi kubva nyika zvayawwana kuzvitonga kuzere. As mudare maneg muine nhengo dzebato reZanu PF chete.

Kunyange hazvo nhengo dzose dzedare reparamende nesenate dzebato guru rinopikisa reTripple C dzisina kuuya kudare nhasi, VaMnangagwa vati vanofara kuvhura paramende vachiti sarudzo dzakiatwa pajekerere murunyararo.

Asi vaongorori vesarudzo vakaeanda munyika nekunze vanoti hadzina kufambiswa zvakanaka neZEC.

Mutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, vati zvaitwa izvi kutyora mitemo yeparamende nekudaro nhengo idzi dzicharangwa nekubatirwa chikamu chemihoro yadzo pamwe nekusapihwa mafuta edzimotokari kuti dzidzokere kumatunhu adzo.

VaMudenda vaudzawo gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, kuti vaongorore kuti hapana zvimwe zvirango here zvingapitemerwe nhengo idzi.

“Ndaakuudza mabharani weparamende kuti vasape nhengo dzeCCC mafuta emotokari kuti vadzokere kumaConstituency avo.”

VaZiyambi vati, “Kusauya kwaita veCCC pavhurwa paramende hakuna zvakwatadzisa semaonero amaita, President vauya vakapa nhaurwa inofanirwa kuitwa mudare reparamende, mabhiri atinofanira kunge tichiita , zvinosungirwa kunge zvichiitwa nenyika, zvatotanga kufamba.”

Asi vanokokera nhengo dzeCCC muparamende, VaAmos Chibaya, vaudza Studio 7 kuti havana kuenda kuparamende nhasi nokuti havatambiri kusarudzwa kwaVaMnangagwa semutungamiriri wenyika sezvo vachiti sarudzo dzakabirwa zvemhando yepamusoro.

“Murume aripo uyu haana kusarudzwa nevana neZimbabwe, saka naizvozvo hatigoni kuenda kuparamende kunogarira munhu asina kusarudzwa nevana veZimbabwe.”

Vatiwo vashamiswa kuti vanopihwa zvirango nekusaenda kuparamende zuva rimwe chete asi mamwe makurukota ehurumende nevatevedzeri vemutungamiriri wenyika vakapedza makore mashanu apfuura vasingaende kuparamende kunopindura mibvunzo uye vasina zvirango zvavakapihwa. Vati, “Hapana kana gurukota rimwe chete rakamborangwa kunyimwa mari kana kunyimwa peturu yekufambisa.”

Izvi zvatsinhirwawo negweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandevere. VaMandevere vati “Zvakare tinoona kuti makore mazhinji makurukota anogara asi ngaende kuparamende asi hatisati tambonzwa mutongo wakadaro uchipihwa kwavari.”

Asi vachitaura mudare reparamende iri, VaMnangagwa vatiwo dare iri rinofanira kupasisa mabiri ese asina kupasiswa sarudzo dzisati dzaitwa anosanganisira bhiri rezvezvichirwa reMines and Minerals Amendment Bill pamwe nerePrivate and Voluntary Organizations Amendment Bill iro riri kunzi nevanorwira kodzero dzevanhu rinombunyikidza mashandiro emasangano akazvimirira.

VaMnangagwa vatiwo paramende inofanira kudzika mutemo inosimudzira hupfumi nemagarire akanaka evanhu munyika.

Vatiwo pane mabhiri akawanda akanangana nekuvandudza nyaya dzehutano, dzidzo nemagariro akanaka evanhu avati vanotarisira kuti paramende ipase.

National Assembly ine zvigaro mazana maviri nemakumi masere, zvigaro mazana maviri negumi zvichikwikwidzwa, ukuwo zvigaro makumi matanhatu zviri zvemadzimai chete, uye zvigaro gumi zviri zvevechidiki, ukuwo dare reSenate riine zvigaro makumi masere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG