Accessibility links

Breaking News

Rimwe Sangano reVashandi Rinoti Vakafa muMugodhi kuChegutu Vanogona Kudarika Makumi Mana (40)


 Bay Horse Mine in Chegutu, Zimbabwe on September 30, 2023.
Bay Horse Mine in Chegutu, Zimbabwe on September 30, 2023.

Mutungamiri wesangano reNational Mine Workers Union of Zimbabwe VaNomboko Jabangwe vanoti huwandu hwevanhu vakafira mumugodhi weBayhorse Mine kuChegutu hunogona kusvika makumi mana.

Mashoko avo aya anopesana zvikuru nezviri kutaurwa nehurumende. Vachitaura nebepanhau reSunday Mail nezuro kumucheto wemusangano webato reZanu-PF wePolitburo, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vakati vanofungidzira kuti vanhu gumi nevatatu (13) ndivo vainge vafa.

Vakati vanhu makumi maviri nemumwe (21), pavanhu makumi matatu nevana (34) vaifungudzirwa kuti vainge vari mumugodh vakanunurwa.

hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemigodhi VaSoda Zhemu kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG