Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Inoburitsa Gwaro Rinoratidza Kuti Hurumende yaVaMnangagwa Yadzikisa Gejo Pakutyora Kodzero dzeVanhu


Amnesty International ichiparura gwaro riri pamusoro pekutyorwa kwekodzero muZimbabwe
Amnesty International ichiparura gwaro riri pamusoro pekutyorwa kwekodzero muZimbabwe

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reAmnesty International, nhasi raburitsa gwaro rinoratidza kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yadzikisa gejo pakutyora kodzero dzevanhu kudarika zvaiitwa nehurumende yamushakabvu VaRobert Mugabe, uye riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iremekedze bumbiro remitemo nekodzero dzevanhu,

Vachiparura gwaro iri, iro rakanyorwa zvichitevera ongororo yakaitwa pakati pa2018 negore rino, mutevedzeri wemukuru we Amnesty International kuchamhembe kweAfrica, Amai Vongai Chikwanda, vati kutyorwa kwekodzero dzevanhu kwatowedzera pasi pehurumende yaVaMnangagwa.

“Hatisi kuona kunyanyosiyana kwacho nezvaiitika kare, zvinenge zviri kuenderera mberi uye zvinenge zviri kuwedzera nekuti huwandu hwevasungwa vatiri kuona huri kuwedzera.”

Vatiwo mapurisa nemauto ave kushandisa chisimba chakanyanya pamwe nepfuti pakumbunyikidza vanhu.

Mapurisa anonzi ari kutyorawo kodzero dzevanhu.
Mapurisa anonzi ari kutyorawo kodzero dzevanhu.

Amai Chikwanda vaenderera mberi vachiti pavewo kushandiswa dzimwe nzira dzekushungurudza vanhu nadzo dzakaita sekupamba vanhu sezvakaitwa kunhengo dzeCitizens’ Coalition for Change (CCC) dzinosanganisira Muzvare Cecilia Chimbiri, Muzvare Netsai Marova nemumiriri weHarare West, Muzvare Joana Mamombe, muna 2020.

Muzvare Chimbiri vaudza Studio 7 kuti vanobvumirana nemuonero weAmnesty International uyu vachiti pane nyaya dzakawanda dzisiri kutoburitswa pachena.

“Zvimwe zvinonyorwa pasi kuti ngana musi wakati akambunyikidzwa, musi wakati zvakafamba sei, asi zvimwewo kune dzimwe nzvimbo zviri kutongoitika zvichienda pasina zvanyorwa.”

Mumwe mukuru mubato reCCC, iro rine vanhu vakawanda vari kumbunyikidzwa, Senata Felix Magalela Mafa Sibanda, vaudza Studio 7 kuti gwaro reAmnesty International iri rinobaya dede nemumukanwa vachiti chanyanya kuipa ndechekuti kana matare ave kushandiswa kumbunyikidza kodzero dzeveruzhinji munyika.

“Tine muenzaniso waBaba Job Sikhala vagara mujeri kwegore nemwedzi mitatu vachingombunyikidzwa vasingatongwe, musi wavanofanira kutongwa mutongi anonzi haapo. Havasi kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso asi vanouraya vanobva kune rimwe bato vachipihwa mukana uyu.”

VaObert Masaraure veCrisis in Zimbabwe Coalition
VaObert Masaraure veCrisis in Zimbabwe Coalition

Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaObert Masaraure, vakurudzira hurumende kuti itevedze bumbiro remutemo kuti veruzhinji vafare munyika.

“Tinoramba tichirangaridza VaMnangagwa neZanu PF kuti muri vanhu vakaenda kuhondo muchida kuti vanhu vawane rusununguko ruzere. Dzokerai pamakatangira mudzorere Zimbabwe pagwara regutsa ruzhinji, pagwara rehutongo hwejekerere kuti pakugumisira munhu wese akwanise kkufara nehutungamiriri hwenyu kwete kutsutsumwa kana vachinzwwa mazita enyu achitaurwa.”

Mukuru weAmnesty International muZimbabwe, Amai Lucia Masuka, vatiwo hurumende inofania kubvisa mitemo yakaita seCriminal Law (Codification and Reform) Act, kana kuti Patriotic Act, iyo vati inotyora kodzero dzevanhu.

“ Saka isu tiri kuti kuhurumende mitemo yakadaro ibviswe uye vaiise mitemo yekuti vanhu vanakirwe nekodzero dzavo.”

Vati SADC neAfrican Union dzinofanira kutuma nhume kuZimbabwe kuti dzizvionere pamhuno sefodya kutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato riri kutonga reZanu PF, VaFarai Marapira, vati havateerere masangano akaita seAmnesty International nekuti anonyora zvemanyepo.

VaFarai Marapira veZanu PF.
VaFarai Marapira veZanu PF.

“Saka Amnesty International ngainyore zvainoda yoenda nazvo kwainoda isu seZanu PF hatinei nazvo, hatina basa nazvo, hatizvicheuki.”

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio 7 kuti hurumende inoteerera vana veZimbabwe, kwete masangano akaita sanaAmnesty International.

Vatiwo mitemo iri kushorwa mitemo inodiwa nevana veZimbabwe uye yakapasiswa nehurumende yeZimbabwe.

“Hatina rimwe bato riri pamusoro pedu rinotiudza vzekuita rinonzi Amnesty International. Tiri nyika yakazvimirira ine kuzvitonga kuzere. Zvinoda zvemhomho yeZimbabwe ndizvo zvichatungamirira zvinotwa neeparamende yeZimbabwe, zvinotwa nehurumende yeZimbabwe.”

Sachigaro vekomisheni inoona nezvekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu munyika, yeZimbabwe Human Rights Commission, VaElasto Mugwadi, vati kunyange hazvo vasingade kutaura zvakanyanya pamusoro pegwaro reAmnesty International, havabvumirani naro pakuti kutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika kuri kuwedzera.

“Handisi kuda kutaura nezvebasa reAmnesty International asi basa ravo ndere kungopikisa vasingatarise zvakanaka zvinoitika munyika.

Vatiwo pese panowana komisheni yavo zvichemo inoongorora nekuona kuti zvichemo zvacho zvagagadziriswa.

Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Joana Mamombe
Muzvare Cecilia Chimbiri naMuzvare Joana Mamombe

Gore rino nhengo dzebato rinopikisa reCitizen’s Coalition for Change pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vane chitsama vakapambwa nekushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vasori, vamwe vachisiya vakandwa munzvimbo dzakaita seMapinga kuMashonaland West vachisiiwa vaitwa kafiramberi.

Vamwe vanosanganisira vaimbove mumiriri weZengeza West muparamende vari mutewedzeri wasachigaro weCCC, VaJob Sikhala, vanonzi vari kushungurudzwa nekutyorerwa kodzero dzavo kuburikidza nekukandwa mujeri vasiri kutongwa kwemwedzi yakawanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG