Accessibility links

Breaking News

Botswana Yobvumidza Vapoteri Kushanda


Dukwi
Dukwi

Izvi zvaziviswa nhasi negurukota rezvemitemo muBotswana, VaRonald Machana Shamukuni, pamusangano vavaita nevapoteri pakamba yeDukwi Refugee Camp, iyo iri chinhambwe chemakiromita zana kumadokero eguta reFrancistown.

VaShamukuni vati chiitiko ichi chichapa vapoteri mukana wekubuda mukamba vachinotsvaga mabasa nemikana yekuita mabhizinesi izvo zvichabatsira kuti vakwanise kuzvimirira sezvo ruzhinji rwanga rwodya nhoko dzezvironda pamuzinda vevapoteri uyu. Vati, “Kuchengeta vapoteri mutoro unorema kwazvo."

Vaenderera mberi vachiti, " Isuwo sehurumende yeBotswana, tine dambudziko guru remari zvekuti tiri kutotadza kufambisa zvirongwa zvenyika. Saka vapoteri vanokumbira mvumo kubva kuvakuru vepakamba kuti vabude kuitira kuti vanotsvage mabasa kana mimwe mikana yekuti vakwanise kuzviriritira.”

Vati danho iri ratorwa nehurumende yavo kuitira kuti nyika iyi ienderane nemutemo wepasi rese wekuremekedza kodzero dzevapoteri. Hurumende yeBotswana yanga isingabvumidze kuti vapoteri vabudebude mukamba kuti vaende kunotsvaga mabasa.

Hurongwa uhu hwagamuchirwa nemaoko maviri nezvizvarwa zveZimbabwe zvingasvika mazana matatu nemakumi mana nezvishanu, kana kuti 345, zvakasara muhupoteri pamuzinda uyu mushure mekunge vamwe vadzoserwa kumusha pakati pemakore mana kana mashanu apfuura.

Mumwe wevapoteri vanobva kuZimbabwe agamuchira hurongwa uhu ndiAmai Patience Takaona, avo vanovazve sachigari wekomiti inoongorora kuchengetedzwa kwevapoteri paDukwi Refugee Camp. Amai Takaona vati, “Zvichaita kuti tikwanise kuzvimirira tiri vapoteri.”

Vati rusununguko rwekuzvishandira rwunounza kuzvimirira pane kumirira rubatsiro rwunobva kumasangano akaita seUnited Nations High Commissioner for Refugees kana hurumende yeBotswana. Vaenderera mberi vachiti, “Kugara takarindira kuti tichapihwa chikafu kana chekupfeka neUNHCR kana hurumende yeBotswana kwanga kwava kunetsa.”

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muhupoteri pamuzinda uyu, VaLazarus Tinarwo, vaudza Studio 7 kuti vamwe vapoteri veZimbabwe vangadai vasina kudzokera kumusha uko kwakaberekera ingwe dai chirongwa ichi chakaparurwa mumakore apfuura. VaTinarwo vati, “Dai vakatanga hurongwa uhu makore akapfuura nokuti chikero chechikafu chaipihwa vanhu neUNHCR pamwe chete nehurumende yeBotswana change chaderera zvikuru. Zvinhu zvizhinji tanga toenda tisingazvivane.”

Mukuru muhofisi yeUNHCR muBotswana, VaMadoda Nasha, vanoti vatambira hurongwa uhu sezvo vange voshomekerwa nezvekubatsira nazvo vapoteri ava. VaNasha vati, “Izvi zvichapa kuti vapoteri vakwanise kuzviriritira uye kuzvimiririra. Zvichaitawo kuti vapoteri vapihwe mhinduro dzakasimba nenguva vanhu vasina kutya vangazonyimwa zvikwanisiro zvakafanana nechikafu kana vakada kuita pamuromo.”

United Nations inoti iri kutadza kuunganidza mari inosvika mamiriyoni mazana manomweemadhora ekuAmerica, kana kuti US$700 million, yekubatsira nayo vapoteri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG