Accessibility links

Breaking News

Mumwedzi Uno waGunyana, Varume Vokurudzirwa Kuvhenekwa Gomarara reSikarudzi


Apo pasi rose riri kucherechedza mwedzi uno waGunyana kukurudzira varume kuti vanovhenekwa chirwere chegomarara repasikarudzi, kana kuti prostate cancer, sangano reCancer Association of Zimbabwe rinoti varume vakawanda vari kubatwa nechirwere ichi.

Mukuru anoona nezvetsvakiridzo musangano reCancer Association of Zimbabwe, VaLovemore Makurirofa, vanoti huwandu hwevari kufa nekubatwa nechirwere ichi huri kuwedzera zvakanyanya.

“Kana tichitarira mutsvakurudzo dzinoitwa nevesangano reZimbabwe Cancer Registry tinoona kuti pahuwandu hwevanhu vakabatwa negomarara mugore ra 2018, zvikamu gumi nemumwe kubva muzana vaive nedambudziko reprostate cancer,” vakadaro VaMakurirofa.

Muzvare Michelle Madzudzo, vanova nyanzvi mukuvheneka varwere vegomarara repasikarudzi uye vari mukuru wesangano reTalk Cancer Zimbabwe, vanoti gomarara repasikarudzi nderimwe riri kuuraya vanhu vakawanda.

Gurukota rezvehutano munyika, VaDouglas Mombeshora, avo vachangodomwa kupinda mudare remakurukota, vanoti vachiri kusumwa nezvipangamazano mubazi ravo nezvedambudziko iri. VaMombeshora vati, “Handisati ndava nemhinduro shamwari. Ndirimutsva. Ndichirikuita tsvakurudzo mubazi rangu. Kana ndapedza ndinokubata.”

Mumwe chiremba, VaJosephat Chiripanyanga, vanoti gomarara repasikarudzi, kana kuti prostate cancer, rakanyanya kuvanhu vatema.

“Prostate cancer yakawanda kuvanhu vatema kudarika varungu nemamwewo marudzi. Saka vanhu vatema ndivo vanonyanya kubatwa neProstate cancer,” VaChiripanyanga vaudza Studio 7

VaGeorge Gwatiringa, avo vanoti vava nemakore makumi matanhatu nemapfumbamwe ekuzvarwa, vanoti vakamborwara negomarara iri muna 2016 vakarapwa kuchipatara zvikaita sevapora. Asi gomarara iri rakavadzokera futi pasina nguva, vachizopedzisira varapwa nemiti yechivanhu vakapora. VaGwatiringa vati, “Gore rino prostate cancer yakandishanyira zvakare ndikaenda kuna chiremba wemiti yemisango ndikarapwa ikapera. Izvezvi cancer yangu yakapera. Zvakakosha kuti vanhu vanorwara neprostate cancer vaende kunana chiremba vemishonga yemusango,”

Asi vamwe vanachiremba vakaita saVaChiripanyanga havabvumirani nepfungwa yekuti mishonga yechivanhu inopedza gomarara repasikarudzi.

Kudzivirira chirwere ichi, vanachiremba vanokurudzira varume, zvikuru vari pakati pemakore makumi matanhatu kusvika pamakore makumi manomwe nemana, kana kuti 60-74 years, kuti vavhenekwe vachiti ndivo vari munjodzi huru yekubatwa nechirwere.

Vanachiremba vanoti zvinonetsa kuziva kuti wabatwa nechirwere ichi nekudaro zvakakosha kuti munhu apote achivhenekwa kamwe chete pagore.

Dzimwe nguva munhu anenge abatwa nechirwere ichi anotadza kurasa mvura zvakanaka kana kuti inenge iine ropa uye zvichirwadza.

Asi varume vakawanda vanotadza kurasa mvura zvakanaka vanonzi vanenge vasina chirwere ichi.

Munhu anonziwo anenge achinzwa kuneta nguva zhinji uye chirwere ichi chinotenderera mumhuri.

Gomarara rinonzi rikazobatwa rakomba, mukana wekupora unenge wave pazvikamu makumi matatu nezviviri kubva muzana chete kana 32 percent.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG