Accessibility links

Breaking News

Cholera Yauraya Vanhu Makumi Mapfumbamwe neVasere (98) Uye Yave Kupararira muZvikoro


Chirwere chemanyoka che cholera, icho chakauraya vanhu vana nezuro, chave kutyirwa kuti chichakanganisa vana vari kunyora bvunzo sezvo chopararirawo muzvikoro.

Mumashoko akabudiswa nebazi rezvehutano vanhu makumi matanhatu nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro munyika munzvimbo dzakaita seBuhera, Bikita, Zaka Mutare neMhondoro Ngezi.

Mumwe mubereki wekwa Nyahundi, kuBikita, VaKurai Mazambani, vanoti vana vechikoro vakawanda vari kubatwa nezvirwere zvemanyoka munharaunda mavo.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati hurumende inofanira kuwanisa zvikoro mvura yakachena.

Chirwere ichi chinogona kukanganisa kunyorwa kwebvunzo dzegrade 7 idzo dzakatanga svondo rino, uye dzeForm 4 ne Form 6 dzisati dzatanga.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati bazi ravo riri kushanda nebazi rezveutano kudzivirira kupararira kwechirwere ichi muzvikoro.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vati hurumende yakatoendesa nyanzvi munzvimbo dzine dambdziko iri.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano vari chiremba, VaPhinias Makurira, avo vane chipatara chavo chinonzi Makurira Memorial Hospital muMasvingo, vati hurumende inofanira kuwedzera zvirongwa zvekudzidzisa vanhu kuti vashambidzike nekuchegengetedza hutano hwavo.

Chirwere checholera chinopararira kuburikidza nekudya chikafu chine hutachiwana kana kuti bacteria, nekunwawo mvura isina kuchena Kudya zvisina kubikwa zvakanaka kune dambudziko zvakare. Anenge abatwa nechirwere ichi anoita manyoka, kunzwa kuneta, kuda kurutsa, kuperezeka muviri uye kunzwa nyota zvakanyanya. Vanhu vanokurudzirwa kuenda kuchipatara nekukasika.

Hurumede inoti vanhu makumi mapfumbamwe nevasere, kana kuti 98, vafa kubva zvatanga kupararira chirwere ichi muna Kukadzi kuChegutu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG