Accessibility links

Breaking News

Cholera Yopararira kuBuhera Mamwe Mapositori Achiramba Kurapwa


Chirwere checholera chinonzi chatanga kupararira mudunhu reBuhera asi vezvehutano vari kuti yave gangaidzwa kumukwenyika mhezi yavavira kumudumbu sezvo vari kubatwa nechirwere ichi vakawanda vari vekereke yechipositori isingabvumidze vatendi vayo kuenda kuzvipatara kunorapwa.

Mumwe mugari wekwaWarambwa mudunhu reBuhera South, VaMusande Matsveta vaudza Studio 7 kuti vanhu vemunzvimbo iyi vapererwa nemazano nekuda kwedzimwe mhuri dzemapositori ekwaMarange dziri kufirwa nehama nechirwere checholera asi dzisiri kuenda kuchipatara sezvo vasingabvumidzwe kuenda kuzvipatara.

VaMasveta vanoti mapositori aya anogara kumahombekombe kwerwizi Runde uye vanoti vazhinji vacho havana kuvaka zvimbuzi.

VaMatsveta vanoti pane mashoko ekuti mumwe muporosita akatofa mushure mekuyedza kunamatira mumwe mutendi aifungidzirwa kuti ane cholera.

Vaendera mberi vachiti vechitendero ichi vanofanira kukurudzirwa kuenda kuzvipatara nekuti vamwe vavo vari kufa nezvirwere zvinorapika.

Mbuya hutsanana Amai Dorcas Mbendana, avo vanoshanda kuMbundire Ward 1 kuBuhera West vanoti dunhu reBuhera rine zvimbuzi zvishoma zvinopa kuti zvirwere zvipararire nyore.

Nekuda kwekuti vamwe vanoitira tsvina pese pese, mukuru wesangano rinorwira kodzero dzehutano munharaunda reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vati zvakakosha kuti vanhu vafashaidze mvura vasati vainwa.

Ongororo yakaitwa neZimbabwe National Statistic Agency kana kuti ZIMSTAT pakuverengwa kwevanhu kana kuti census inoratidza kuti misha inodarika gumi nepfumbamwe kubva muzana kana kuti 19,8% munyika yose haina zvimbuzi. KuManicaland, vanhu vanodarika zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana kana kuti 15,4% havana zvimbuzi.

Gurukota rezvehutano Dr Douglas Mombeshora vaudza Studio 7 kuti nyaya yecholera kuBuhera South yaiva yasvika kumahofisi avo zvokuti vaiva vatombozeya nemukuru mubazi rezvehutano kana kuti Manicaland Provincial Medical Directorate, Dr Munyaradzi Mukuzunga.

Doctor Mukuzunga vanoti kazhinji panoenda vamwe vechipositori kuchipatara vanenge vave kurwarisa zvekuti kurarama kwavo kunenge kwonetsa.

Chirwere checholera chakatangira kuChegutu muna Kukadzi gore rino. World Health Organization inoti vanhu makumi matanhatu nevashanu kana kuti 65 vafa muZimbabwe nechirwere ichi kusvika parizvino.

Muna 2008 kusvika 2009, vanhu vanodarika zviuru zvina vakafa munyika nekuda kwechirwere checholera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG