Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vokurudzira Vatori veNhau Kuti Vasashandise Mashoko ekuVanyomba


Vanhu vakaremara vari kukurudzira vatori venhau kuti vasashandise mutauro wekuvanyomba.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau paCrown Plaza Hotel muHarare nhasi, mukuru weFederation of Organizations of Disabled People in Zimbabwe (FODPZ) VaLeornard Marange vati zvakakosha kuti vakaremara vadeedzwe sevanhu kwete kudeedzwa nehurema hwavo.

Vati,” Mitauro isingachaiti hatichaikurudziri asi mimwe mitauro iyi tinoiona ichibuda mumapepanhau.”

Vaenderera mberi vachiti, “Tinonzwa vachiti zvirema, kana kuti munhu anorarama nehurema isu tinoti hatirarami nehurema asi kuti takatoremara. Saka toda kuti tichinje matauririro awa nekuti isu takuti munhu asingaoni munhu asingaoni asi kare ainzi bofu. Ikozvino takuziva mutauro wakanaka saka totanga taona munhu tisati taona hurema hwake. Hatidi kuti munhu adaidzwe nehurema hwake kunzi bofu nekuti haaoni, chimumu nekuti hataure uye musope nekuti ane husope.”

VaMarange vati venhau vakanzwisisa mitauro yakafanira vanokwanisa kuvabatsirawo kubvisa mazita ekuzvidza anoshandiswa kune vakaremara. Vati, “Tikashanda tiritega tisina vanhu venhau nyaya dzedu hadzisvike kure.” Vatizve, “Vemapepanhau nevanotora nhau ndivo vanofambisa mashoko kwese kwese nyika yese.”

VaRufaro Chinyanga vanoshanda neZimbabwe Albino Association uye vaine husope vatsigirawo kuti mazita anozvidza haafanirwi kushandiswa vachiti izvi zvinobetserawo vabereki vanozoitawo vana vane husope kuti vagamuchire vana vavo nekukurumidza.

VaChinyanga vati, “Vanhu varatidze vanhu vanehusope mumafirimu kana pamidhuri yekushambadza kana mumamagazine zvinhu zvinokurudzira vabereki vachangobva kuita vana vane husope kuti chipo chavapiwa naMwari uye chipo chakangofanana neavo vapiwa mwana asina husope.”

Amai Zvanaka Gomo vanoshandawo kuZimbabwe Epilepsy Support Foundation vatiwo vatori venhau dzimwe nguva havanzwisisi hurema hwavanenge vachitaura nezvawo vachipa muenzaniso wechirwere chepfari.

Vatiwo zvakakosha kuti veruzhinji vanzwisise kuti kune hurema hunoonekwa nemaziso nehurema husingaoneki nemaziso. Amai Gomo vati,” Ukasvika uchiti wakaremera kunyangwe kune vamwe vakaremara vanogona kukuti ibvai pazvinhu zvedu nekuti vanenge vachiona usina mutezo wakakuvara nekuti mutezo wakakuvara uri mupfungwa mausingaoneki.”

Mumwe mutori wenhau apinda mumusangano wanhasi Muzvare Sharleen Mahommed vati zvakakosha kuti vane hurema nemasangano anoshanda nevanehurema vagare vachidzidzisa vatori venhau mashoko akanaka ekushandisa sezvo nguva zhinji mashoko aya achishanduka nguva nenguva.

Vati, “Ndovapawo kurudziro yekuti ngavarambe vachironga misangano yakaita seyanhasi tichiramba tichidzidza nekudzidziswa zvitsva kuti tisarambe tichishandisa mitauro inozvidza, inotuka uye inotsoropodza.”

Masangano anoshanda nevanhu vakaremara awa apawo kurudziro yekuti vatori venhau vapewo izwi kune vanhu vane hurema kumasangano avanoshandira kwete kungobuditsa vanhu ava vachiratidza kutambura kana munezvakaipa chete.

Huwandu hwevanhu vane hurema muZimbabwe hunoti netsei kunyatsoziva sezvo pasina kuwirirana kuti chii chaizvo chinonzi hurema. Hurumende inoti vanosvika chikamu chimwe kubva muzana 1% asi veNational Association of Societies for the Care of the Handicapped (NASCOH) vanoti vanodarika zvikamu gumi kubva muzana kana kuti 10%.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG