Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeMasvingo Yoronga Kuti Zvimwe Zvidimbu zveMitero Zvibhadharwe neMari yekuAmerica.


Kanzuru yedhorobha reMasvingo nhasi yaparura chirongwa chekunzwa pfungwa dzevanhu munharaunda ichinzwa pfungwa dzavo pabhajeti remari inosvika mamiriyoni gumi nemanomwe kana kuti US$17 million

Vachiparura chirongwa ichi pamahofisi ekanzuru mudhorobha nhasi, mukuru mubazi rinoona nezve mari mukanzuru, VaDanstan Jori, vati mubhajeti ravo vanotairisira kuvaka chipatara chezvirwere zvinotapuriranwa sedanho rekugadzirira matenda ezvirwere zvakaita se Covid-19, Cholera pamwe neTB.

VaJori vati kanzuru ichaisa mari inosvika zviuru mazana matatu zvemadhora ekuAmerica kana kuti US$300 000 pachikamu chekutanga kuvaka chipatara ichi sezvo vanhu mudhorobha vaifamba kuenda kuHarare kunorapwa
pachipatara chekanzuru yeko Beatrice Infectious Hospital.

Vati zvimwe zvezvirongwa zvikuru zvavachaita kuisa mari inosvika mamirioni matanhatu emadhora ekuAmerica mukutanga chirongwa chekuvhandudza mishina inopomba nekuchenesa mvura kuti dambudziko
remvura kuvagari ripere.


Vachipawo pfungwa dzavo, pamusangano uyu, VaGraham Hill, vange vachimiriria vemabhizimusi vati kanzuru inofanirawo kuisa mari yakawanda mukutakurwa kwemarara.

Kanzuru yati inotarisira kuti vagari vatange kubhara mari dzemitero yemvura nemari yekunze nezvikamu makumi mana kubva muzana 40% mwedzi wega wega vopedzisa zvimwe zvikamu makumi matanhatu 60% nemari
yemunyika.

Vamwe vagari vakaita saVaTrust Manyasha vanyunyutawo mushure mekunzwa izvi uye kuti kanzuru inoda kukwidza mitero yemvura kubva pamari inosvika makumi maviri nezvitanhatu us$26 kusvika pa makumi matatu emadhora kana kuti us$30 vachiti vari kunetseka kuwana mari.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira vagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance, Muzvare Nyaradzo Muatande, vati zvakanaka kuita misangano iyi asi kanzuru iri kukokera misangano iyi nechimbi-chimbi isina kupa vagari nguva yekugadzirira.

Asi munyori wekanzuru yeMasvingo, VaEdward Muakaratirwa vati nekuda kwehumhizha nehumhetura mukufambiswa kwemashoko, vanoona achikurumidza kusvika kuvanhu.

VaMukaratirwa vati misangano yatanga nhasi ndeye vemasangano akakosha uye vachapinda muma ward ose gumi edhorobha reMasvingo vachinzwa pfungwa dzevanhu kwesvondo rese.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG