Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kuita Nhaurirano Sezvo Nyika Yanangazve kuMawere


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weCCC VaNelson Chamisa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri weCCC VaNelson Chamisa

Reverend Kenneth Mtata vanoshanda nekereke yeWorld Council of Churches vari kukurudzira vana veZimbabwe kuti vabatane kugadzirisa matambudziko ezvematongerwo enyika kunyanya nyaya yesarudzo yapa kuti Zimbabwe itadze kufambira mberi kwemakore akawanda.

Mashoko aya anotevera kumira pamhararano kwaita nyika mushure mesarudzo dziri kunzi nevanopikisa, veSADC, neAfrican Union hadzina kufambiswa zvinotarisirwa munyika ine hutongo hwejekerere.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Rampahosa vakazivisa kumucheto wemusangano weUnited Nations svondo rapera kuti SADC ichagara pasi yozeya zvakaburitswa nevaongorori vayo vesarudzo kuti sarudzo dzeZimbabwe hadzina kufambiswa zvakanaka.

Hurumende yeZimbabwe yambenge ichida kuramba kuti musangano uyu uitwe uye yange ichida kuti paite rop rakaipa pakati pemutungamiri wenyika yeZambia VaHakainde Hichilema nevamwe vatungamiri venyika dzemuSADC.

Asi kusauya kwevatungamiri veSADC vakawanda pakugadzwa kwaVaMngangagwa kunonzi kwakaratidza kuti SADC iri kumira nevaongorori vayo vesarudzo dzemuZimbabwe.

Vaimbova mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaThabo Mbeki vachitaurawo kumucheto wemusangano uyu vakati zvakakosha kuti vatungamiri vemunyika vaise zvido zvenyika pamberi kwete zvavo vaite nhaurirano.

VaMnangagwa vange vachiitawo misangano nevamwe vatungamiri vemuSADC pamberi pemusangano wechimbichimbi uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG