Vaimbove mutungamiri we South Africa, VaThabo Mbeki, vari kukurudzira kuti munyika muitwe nhaurirano zvichitevera gakava rakasimudzwa nesarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu, idzo dzinonzi nevamwe kusanganisira vanopikisa veCCC, hadzina kufambiswa zvakanaka.
Vachitaura nenhepfenyuro yeSABC nezuro pamucheto pemusangano weUnited Nations General Assembly uri kuitirwa kuNew York muno muAmerica, VaMbeki vakati mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanofanirwa kuzvibvunza kuti chii chakanakira vana veZimbabwe kuitira kufambisa nyika mberi.
VaMbeki vakati kunyange hazvo vakanga vasina chekuita nesarudzo dzemuZimbabwe idzi, gwaro rekutanga rakaburitswa nevaongorori vesarudzo weSADC rinoratidza kuti sarudzo hadzina kuitwa nemazvo.
Mashoko aVaMbeki aya ari kuuyawo mazuva mashoma mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa vanyevera kuti sangano reSADC ringangozeya nyaya yesarudzo dzemuZimbabwe.
Asi hurumende neZanu PF vanoti sarudzo dzakaitwa zvakanaka neZEC, uye bato reZanu PF rakakunda zviri pachena, nekudaro hapana nhaurirano dzinofanirwa kuitwa.
Muna 2008 VaMbeki vakatungamira nhaurirano dzakazounza hurumende yemubatanidzwa pakati peMDC neZanu PF mushure mesarudzo dzakakonzera zvakare mutauro mukuru.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti VaMbeki vane nhoroondo svinu yemamiriro ezvehutongi hweZimbabwe.
"Sekutaura kwavaita, 2008 pavaitungamira South Africa vakanyatsoona kuti aiwa, SADC yaifanirwa kunge ichipindira nekuti mhirizhonga yakanga yaita kuti sarudzo dzisabuda zvakanaka. Saka matauriro avari kuita ndemunhu mukuru,"
VaNgwenya vanoti VaMbeki vanoziva zviri kuitika muZimbabwe, saka apa vari kutsiura mutungamiri wenyika, VaMnangagwa kuti kana veruzhinji vachichemachema vari muZimbabwe, SADC ichichemachema, AU neEU kana dzchichemachema, zvido zvevanhu ngazviitwe.
Forum