Accessibility links

Breaking News

Kanzura weCCC kuEpworth Opambwa neVanofungidzirwa Kuti Vasori


Zimbabwe Opposition Leader
Zimbabwe Opposition Leader

Bato reCitizens Coalition for Change (CCC) rinoti kanzura waro weWard 4 kuEpworth, VaNoel Rungano, nezuro manheru vakapambwa nevanhu vanofungidzirwa kuti vasori, vakarohwa zvakaipisiswa vasati vasiiwa pedyo nekamba yemapurisa yeChikurubi.

Vakafanobata chigaro chemunyori anoona nezvekuchengetwa zvakanaka kwevanhu muCCC zvakare vari nhengo yeparamende mudunhu reHarare, Amai Vongai Tome vaudza Studio 7 kuti VaRungano vakapambwa nezuro manheru uye vakazowanikwa mangwanani ano.

VaRungano varapwa pane chimwe kune chimwe kuChitungwiza asi vakaburitswa kuti vanopora vari kumba kwavo.

Patavabata VaRungano vati parizvino havana zvavangataure sezvo vange vakamirira kupihwa mvumo nebato ravo.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi ichokwadi kuti nyaya iyi yakamhan’ara kumapurisa uye vave kuiongorora.

Kunze kwaVaRungano dzimwe nhengo dzebato reCCC dzakapambwa kubva zvapera sarudzo dzinosanganisira kanzura weWard 26 muHarare VaWomberaishe Nhende hama yavo VaSamuel Mukuhlane uye VaNelson Mukwenha. Vose ava vakapambwa muHarare nevanofungidzirwa kuti vasori vakasiya vakandwa musango kuMapinga kuMashonaland West.

Asi zvisinei nekupambwa nekushungurudzwa nekupambwa kunonzi kuri kuitwa nhengo dzeCCC, mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira vauudza Studio 7 kuti munyika mune runyararo.

Hurumende yeAmerica nezuro yakaburitsa mashokjo ichiti iri kushushikana zvikuru nekumbunyikidzwa kwevanhu muZimbabwe. Mashoko aya akataurwawo nemunyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres.

Forum

​
XS
SM
MD
LG