Accessibility links

Breaking News

SADC Yoita Musangano weChimbi-chimbi Kuzeya Zimbabwe


VaHakainde Hichilema
VaHakainde Hichilema

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vanoti SADC ichaita musangano kana kuti summit wekuzeya nyaya yeZimbabwe iyo yape kuti mudunhu muite zinyekenyeke. Hurumende yeZimbabwe yange ichiramba kuti musangano wakadai uitwe.

VaRamaphosa vakataura mashoko aya kunhepfenyuro yeSABC News kumucheto wemusangano weUnited Nations General Assembly kuNew York. Vakati havo hazvirevi kuti kuzeya nyaya iyi kuchaitwa neSADC kunoreva kuti sarudzo dzakaitwa muZimbabwe dzabva dzanzi hadzisi kutambirwa neSADC.

Mutauriri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaGeorge Charambe nevamwe vakuru muhurumende vange vachiramba kuti musangano wakadai uchaitwa nechimbichimbi neSADC.

Vaongorori venyika dzemuSADC vange vachitungamirirwa nevaive mutevedzeri wemutungamiri yeZambia VaNevers Mumba avo vakadomwa nasachigaro weSADC Troika VaHakainde Hichilema vanove mutungamiri wenyika yeZambia.

Parizvino pane kukandirana makobvu nematete pakati peZambia neZimbabwe nezvegwaro rakaburitswa nevaongorori vesarudzo.

Asi vachipa pfungwa dzavo, mushandi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira vati Zimbabwe haina chekuvanza.

Mutevedzeri wemutauriri webato reCitizens Coalition for Change VaOstallos Siziba vati zvataurwa izvi ndizvo zvavagara vachikurudzira sezvo sarudzo dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Vachipa pfungwa dzavo pamashoko aVaRamaphosa, vanorwira nekodzero dzevanhu VaMunjodzi Mutandiri vati zviri kuitwa neSADC zvakakosha asiwo panoda kuti vana veZimbabwe varatidzewo kuti vari kuda kuti nyaya iyi igadziriswe.

Mudanho rinoonekwa nekutsvaga rutsigiro pamberi pemusangano weSADC uyu, VaMnangagwa vari kuita misangano nevamwe vatungamiri vemuSADC vanosanganisira VaRamaphosa, mutungamiri weAngola vari sachigaro weSADC VaJoao Lourenco uye mutungamiri wenyika yeMozambique VaFelipe Nyusi.

Sarudzo dzemuZimbabwe dzakashorwa nevaongorori vesarudzo kubvawo kuAfrican Union, COMESA, Commonwealth nevamwe. Hurumende yeAmerica yakati yakataurawo nevatungamiri venyika dzemuSADC kuti vagadzirise dambudziko remuZimbabwe rainoti kamoto kambeveve kachapisa matanda mberi mudunhu rose.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG