Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa naVaGeingob Vokurudzira Kuti VaMnangagwa Vabvisirwe Zvirango Asi America Ichiti Ngavaite Sarudzo Dzakachena


President Joe Biden speaks at the White House, Sept. 16, 2022, in Washington.
President Joe Biden speaks at the White House, Sept. 16, 2022, in Washington.

Mutungamiri wenyika yeNamibia VaHage Geingob nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa vabatana kumusangano weUnited Nations General Assembly kukurudzira kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe. Asi mashoko evatungamiri vaviri ava akonzera gakava munyika.

Mukuru anoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muhurumende yeAmerica kana kuti Assistant Secretary of State for Africa Amai Molly Phee vakaudza Studio 7 kuti Zimbabwe inofanira kuremekedza kodzero dzevanhu nekuitawo sarudzo dzakachena kana ichida kugadzirisa hukama nekuti zvirango zvibvise. Asi vanoti pane zvavari kuona, hapana chiri kuratidza kuzvipira kweZimbabwe kuremekedza kana bumbiro rayo remitemo.

Mumashoko avo kuUNGA nhasi, VaGeingob vati zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika neAmerica zvinofanira kubviswa.

Aya ndiwo mashoko akataurwawo nezuro naVaRamaphosa vakatiwo zvirango izvi zviri kukanganisa vanhuwo zvavo muZimbabwe.

Asi mutauriri webato guru rinopikisa munyika reCitizens Coalition for Change, VaPromise Mkwananzi, vaudza Studio 7 kuti dambudziko reZimbabwe harisi rezvirango asi kuti nyaya yekuita sarudzo dzisina kujeka.

Izvi zvatsinhirwa nevanoongorora magariro evanhu vari mukuru anoona nekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, VaTendai Ruben Mbofana, vaudza Studio 7 kuti vanoshushikana nemashoko aVaRamaphosa.

Vati SADC, AU, COMESA nemamwe masangano akaongorora sarudzo idzi akabuda pachena kuti hadzina kuitwa zvakanaka uye zvinonetsa kuti zvirango zvibviswe.

Mukuru musangano reZimbabwe Democracy Institute, Dr Pedzisyai Ruhanya vati nyaya yesarudzo dzakachena yakatoenderwa huhondo.

Asi mutauriri wesangano rinorwira kuti zvirango zvibviswe reBroad Alliance Against Sanctions, Amai Sally Ngoni vaudza Studio 7 kuti mashoko aVaRamaposa anofadza.

Mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira vatiwo vanofara kuti South Africa neZimbabwe dzine muono wakafanana panyaya yezvirango.

VaRamaphosa vakataurawo nyaya yekuti vari kushushikana nenyaya yekupidigurwa kwedzimwe hurumende nemauto muAfrica. Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziri kuti kusaita sarudzo dzakachena kunopawo kuti mauto agume apidigure hurumende.

VaRamaphosa ndivo mumwe wevatungamiri vemuAfrica vatatu chete vakaenda kuZimbabwe pakutora mhiko kwaVaMnangagwa mushure mesarudzo dziri kunzi nevakawanda hadzina kufambiswa zvakanaka.

Musi wa 25 Gunyana 2019, SADC yakaita chisungo chekukurudzira America neEU kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa Zimbabwe. Asi vehurumende yeAmerica vanoti zvirango hazvina klutemerwa nyika sezvo ichibvumidzwa kutengeserana nedzimwe nyika asi kuti vakutu vanotonga nedemo.

Yakatiwo Zimbabwe inofanira kuita sarudzo dzakachena uye kuzvipira kurwisa huori hwainoti ndihwo hwauraya nyika kwete zvirango.

EU inoti yakabvisa zvirango pavatungamiri vese veZimbabwe uye zvasara ndezvekutengesera Zimbabwe zvombo sezvo ichiti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa havasi kuratidza chido chekuda kutevedzera hutongo hwejekerere. EU yakaisa zvirango izvi muna 2001. America muna 2003.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG