Accessibility links

Breaking News

EU Inoti Haichape ZEC Mari Mushure Mesarudzo Dziri Kushorwa Pasi Rose


European Union inoti yave kumbobuda muchibvumirano chekubatsira nemari inosvika mamiriyoni mashanu kana kuti US$ 5 million kukomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.

Mumashoko kuvatori venhau, EU yati nyaya yekushorwa zvakanyanya kweZEC nemabatiro ayakaita sarudzo ndiyo yapa kuti itore danho iri.

Mari yeEU iyi yange yapihwa kuburikidza neUnited Nations Development Programme uye chibvumirano ichi change chichifanira kupera muna Zvita 2024.

Sangano reEU rati vakaongorora sarudzo vakati ZEC haina kuzvimirira uye haiite zvinhu zviri pachena. EU yati makomisheni anobata nyaya dzesarudzo anofanira kunge akazvimirira.

Yati hayo yakagadzirira kuita hurukuro neZEC nekuibatsira kuti iitewo zvinotarisirwa musarudzo nenyika dzemudunhu nekunze. Tatumira sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba mubvunzo kuti tinzwe divi ravo asi vange vasati vapindura pataenda pamhepo.

Forum

XS
SM
MD
LG