Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzotyira Kunyuka kweZvimwe Zvirwere kuLibya


Vanopa rubatsiro vanoti vave kutyira kupararira kwezvirwere zvinogona kutouraya vakawanda muLibya mushure memafashamu emvura.

Nyanzvi munya dzezvehutano dzinoti zvirwere zvinogona kupinza vanhu munjodzi ndezvinokonzerwa nekunwa mvura ine tsvina.

Vanhu vanodarika zviuru gumi nechimwe nemazana matatu kana kuti 11, 300 vakafa kuLibya zvichitevera mafashamu emvura uye huwandu uhu huri kutarisirwa kuwedzera.

Vakafa vakawanda vainge vari mudunhu rederna uye izvio zvakaitika nemusi wesvondo, svondo rapera. Vanhu vanodarika zviur gumi kana kuti 10, 000 havasi kuzivikanwa kuti vari kupi.

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG