Accessibility links

Breaking News

Kanzura Nhende veCCC Vanoti Vasori Vakavaita Kafiramberi Vachiri Kuvashungurudza Vari muChipatara


Mumwe ari kupomerwa mhosva yekuda kupamba mutauriri weCCC VaPromis Mkwananzi masikati machena

Kanzura Womberaiishe Nhende vebato reCitizens Coalition for Change avo vanoti vakaitwa kafiramberi nevanofungidzirwa kuti vasori vanoti vanachiremba vachiri kutsvaga kuti jekiseni ravakabayiwa rainge riinei kuti vakwanise kuvarapa.

VaNhende vakasarudzwa kuward 26, kuGlen Norah asi havasati vatora mhiko nekuda kwehurwere uhu.

Vaudza Studio 7 kuti vamwe vanofungidzirwa kuti vasori vachiri kutenderera pachipatara pavari muHarare vaine motokari dzemhando dzeeGD6 nedzimwe dzisina manumber plates.

VaNhende vakapambwa kuHarare neimwe hama yavo, VaSanele Mkuhlani, vakaitwa kafiramberi ndokusiya vakandwa mune rimwe sangano kuMapinga kuMashonaland West. Magweta avo, VaDoug Coltart naVaTapiwa Muchineripi vakatombosungwa nemapurisa vachinzi vaivavhiringidza kuita basa.

Dzimwe nhengo dzeCCC gumi neimwe chete dzasungwawo nemapurisa ayo anoti ari kuda kusunga mutauriri webato iri VaPromise Mkwananzi.

Mumashoko kuvatoriu venhau, mapurisa ari kuti vari kupomerwa mhosva dzekupesvedzera mhirizhonga. Asi veCCC nevanorwira kodzero dzevanhu vanoti hurumende mushure mekubirira sarudzo yave kugara yakavhunduka chati kwatara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG