Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inocherechedza Zuva reInternational Day of Democracy Vanorwira Kodzero neVanopikisa Vachiti Munyika Hamuna Hutongi Hwejekerere


Mapurisa anopomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu munyika.
Mapurisa anopomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu munyika.

Zimbabwe nhasi yabatana nenyika dzepasi rose mukucherechedza zuva rehutongi hwejekere, kana kuti International Day of Democracy, vanorwira kodzero dzevanhu nemapato anopikisa vachiti munyika hamuna hutongi hwejekerere.

Zuva ranhasi rinouya apo vebato guru rinopikisa munyika, reCitizens Coalition for Change, nevanorwira kodzero dzevanhu, vari kusungwa zvichitevera sarudzo dzakashorwa nevazhinji vakadziongorora vachiti hadzina kuitwa pachitevedzwa zviga zvinokurudzira hutongi hwejekerere.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaPaidamoyo Saurombe, vati zviri kuitika zvinoratidza kuti munyika hamuna hutongi hwekerere uye zvinofanira kugadziriswa.

Gweta VaPaidamoyo Saurombe
Gweta VaPaidamoyo Saurombe

“Saka hutongi hwedu hunoda kugadziriswa ipapo kuti mitemo yedu yesarudzo igadziriswe kuti tikaita sarudzo hatizowani kusungwa kunoitwa vanhu vanosungwa kana kushungurudzwa sarudzo dzisati dzaitwa, pasarudzo kana sarudzo dzapera.”

Vaimbove gurukota rezvemari pahurumende yemubatanidzwa uye vari gweta, VaTendai Biti, vatiwo kushaikwa kwehutongi hwejekere kunogona kukonzera kusagadzikana munyika.

“Zimbabwe nehutongi hwejekerere hazvina hukama, zvakanyengerana vakadzi sakazvatiri kuonga ndezvekuti tapapinda musarudzo dzakashatisisa, sarudzo dzegore.”

Mutauriri weCCC, VaPromiseMkawananzi, avo vanoti vave kugara muhupoteri nekuti vari kutya kushungurudzwa, vanoti zuva ranhasi harina zvarinoreva nekuti Zimbabwe iri kutodzekera kumashure pamusoro penyaya dzehutongi hwejekere.

“Haatingataure zvehutongi hwejekerere, hamuna hutongi hwejekere muZimbabwe uye hapana shungu dzekuti pave nehutongi hwejekere.”

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubato riri kutonga sezvo mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaFarai Marapira, vange vasati vapindura mibvunzo yedu.

Asi mumwe wevechidiki muZanu PF, VaPeter Matangi, vaudza Studio 7 kuti munyika mune hutongi hwejekere.

Vatiwo Zimbabwe inoita sarudzo makore mashanu ega ega vemapato anopikisa vachiita madiro aJojina uye izvi ndizvo zvinofanira kupembererwa pazuva ranhasi.

“Tinoita kana makore gumi tisina kumboona vatungamiriri emapato anopikisa vachisungwa, vachiregwa vachiita zvavanoda, pamwe pacho vachinyomba hurumende pamwe pacho vachiramba kuremekedza mitemo yenyika.”

Zanu PF Leader Emmerson Mnangagwa Arriving at His Party Rally in Magunje
Zanu PF Leader Emmerson Mnangagwa Arriving at His Party Rally in Magunje

Mumashoko aro ekucherechedza zuva ranhasi, sangano reZimbawe Human Rights Association, ZimRights, rati zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika sezvo vanhu vari kumbunyikidzwa zvichitevera sarudzo dzemwedzi wapfuura.

Sangano iri rati veruzhinji havachina chivimbo nemapazi ehurumende anofanira kuona kuti munyika maita hutongi hwejekerere, akaita sematare edzimhosva neZimbabwe Electoral Commission.

Zimrights yakurudzira hurumende kuti igadzirise zvinhu kuitira kuti mapazi aya aite basa asina divi raakarerekera, kuremekedza kodzero dzevanhu pamwe nekuti vatungamiriri vaiite zvido zveveruzhinji, kwete zvavo ivo.

Munyori mubazi remutemo, Amai Virginia Mabhiza, vati vachaburitsa gwaro rine hudzamu pamusoro pezuva ranhasi, asi vakurudzira veruzhinji kuti varemekedze kodzero dzevanhu vachiti pane matanho akawanda ari kutorwa nehurumende kuitira kuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Zimbabwe Political Turmoil
Zimbabwe Political Turmoil

Vati nyaya yekuti vanhu vari kutaura nhunha dzavo inoratidza kuti hurumende iri kuvapa mukana wekuita izvi uye vati vanoda chose kuti vanhu vataura zvese zvinovanetsa kuitira kuti zvigogadziriswa.

International Day of Democracy izuva rakatanga kucherechedzwa neUnited Nations muna 2007 senzira yekukurudzira hutongi hwejekere pasi rose uye rinocherechedzwa musi wa15 Gunyana gore roga roga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG