Accessibility links

Breaking News

Gamba reNyika, VaMalinga, Vanoradzikwa VaMnangagwa Vachiyambira Kuti Zimbabwe Haizombofi Yakabvumidza Kupindira kweDzimwe Nyika


VaJoshua Malinga varadzikwa kuNational Heroes' Acre muHarare.
VaJoshua Malinga varadzikwa kuNational Heroes' Acre muHarare.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vati Zimbabwe inyika yakazvimirira nekudaro havazombofi vakabvumidza dzimwe nyika kupindira munyaya dzayo.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pakuradzikwa kwegamba renyika, uye vakambove meya veguta reBulawayo, VaJoshua Malinga, pamarinda emagamba enyika eNational Heroes’ Acre muHarare.

Zimbabwe Inauguration
Zimbabwe Inauguration

VaMnangagwa nevamwe veruzhinji vaungana pamarinda apa varumbidza VaMalinga vachivati raive gamba rairwira kodzero dzevakaremara, vachiti hupenyu hwakararamiwa nemushakabvu hunozadzikisa chirevo chekuti hurema hahurevi kuti munhu haachagoni kuzviitira mabasa.

Vati VaMalinga vakaremadzwa nechirwere chemhetamakumbo, Polio.

Vachitsanangura Mnangagwa vati, “Vari seneta, nhengo yepolitburo uye chipangamazano changu muhurumende Cde Malinga vakabata basa guru mukuona kuti zviga zvebato ririkutonga reZanu PF nezviga zvehurumende zvinobatsirawo vane hurema.

The Late Joshua Malinga service in Bulawayo
The Late Joshua Malinga service in Bulawayo

Mushakabvu uyu mucherechedzo wekuti hurema haurevi kuti hunodzorera shure mabasa anobatwa nemunhu muhupenyu. Kunyangwe zvazvo vakaremadzwa nePolio vane makore maviri vakararama hupenyu hunogutsa.”

Vatiwo VaMalinga vakazvipira kurwira nekumiririra Zimbabwe vachiti Zimbabwe haizombobvumi kuti dzimwe nyika dzipindire munyaya dzematongerwo enyika.

Vati, “Varikuramba vachienderera mberi nenzira dzavo dzakaipa kukonzera kusagadzikana munyika yedu kuti vagokwanisa kuba zviwanikwa zvedu asi izvi hazvizofa zvakaitika pasi pehurumende yedu.

Zimbabwe inyika yakasununguka uye hatizombofa takabvuma kuti vekunze vapindire munyaya dzedu dzemunyika. Hatimbozvibvumiri.”

Nhengo yeCitizens’ Coalition for Change, Seneta Felix Magelela Mafa Sibanda, vati vari kuchema nemhuri yekwaMalinga, vachiti Zimbabwe inofanirwa kudyidzana nedzimwe nyika kwete kuita humbimbindoga sezvavati zviri kukurudzirwa naVaMnangagwa.

UMnu Felix Magalela Mafa Sibanda
UMnu Felix Magalela Mafa Sibanda

VaMafa vati, “ Hatingagarika tisina shamwari. Zvichada kuti vanhu veZimbabwe vasarudze kuti vanoda here mutungamiri anogara ega senherera. Tirikurarama munyika dzinofanirwa kudyidzana.”

Mumwe wevauya kuzoonekana naVaMalinga, VaDavid Nkala, avo vakaremara, uye vachibva kuBulawayo, vati mushakabvu asiya gwanza risingavhariki.

Vati, “ Takarasikirwa isu sevanhu vakakuvara hatizivi kuti shuwa Mwari angatiitira sei kuti tigowana mumwe munhu akaita saMalinga achatora zvichemo zvedu achiendesa kune mutungamiriri wenyika.”

Amai Revai Lucia Chivasa, vakaremara zvakare, vati vakadzidziswa kuzvimiririra nekuzviriritira naVaMalinga. Vati, “Vakatidzidzisa kurwira kodzero dzedu, vakatidzidzisa kuziva mabasa ekuzvishandira nemaoko edu . Vaitidzidzisa kuti hatidi simbe toda vanhu vanozvishandira nemaoko avo.”

Hatina kukwanisa kubata mutauriri weZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa kanawo mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaFarai Marapira kuti tinzwewo divi rebato ravo panyaya iyi.

VaMalinga vakamboita meya weguta reBulawayo, uye vakashanda muhofisi yemutungamiri wenyika sachipangamazano munyaya dzevakaremara.

VaMalinga vakashaya nemusi weChishanu chapera mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Vakashaya vave nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe, uye vasiya mudzimai nevana gumi nevazukuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG