Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoti Hurumende Inofanira Kuremekedza Zvido zveVanhu Vanopikisa Vachiti paMuromo Chete


Zimbabwe Inauguration
Zimbabwe Inauguration

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vaparura hurongwa hwehurumende yavo hwemakore mashanu anotevera vachikurudzira makurukota avo nevakuru vakuru vemapazi nemakambani ehurumende kuti vave varanda vevanhu uye kushanda zvakasimba mukusimudzira hupenyu hweveruzhinji munyika.

Asi vanopikisa vanoti muromo hauzarirwe nerwizi vachiti hurumende yaVaMnangagwa inoita zvehumbimbindoga.

Vachitaura nemakurukota, vatevedzeri vavo uye vanyori vemapazi nemakambani ehurumende, VaMnangagwa vati vana veZimbabwe vanofanira kuve nehupenyu hwakanaka vachiti zviri mumaoko evakuru vehurumende ava.

Vati zvirango zvehupfumi zvati zvakatemerwa nyika hazvifaniri kudzosera kumashure nyaya dzebudiriro munyika.

Asi vanonzi vakatemera zvirango izvi kusanganisira hurumende yeAmerica vanoti hazvina kutemerwa nyika yose asi kuti zvakatemerwa VaMnangagwa nevashoma muhurumende vanotyora kodzero dzevanhu.

VaMnangagwa vatiwo hurumende yavo ine zvirongwa zvakawanda zvekuti vanhu vagare zvakanaka zvakaita sekuwanisa vanhu chikafu chakakwana, kuvaka migwagwa, madhamu nezvimwe.

Asi nhengo huru muCitizens Coalition for Change, Seneta Felix Magelela Mafa Sibanda vaudza Studio 7 kuti havaoni dare remakurukota aVaMnangwa richisimuudzira hupenyu hweveruzhinji

Vanoongorora magariro evanhu vakazvimirira, uye vari mukuru wezvirongwa musangano reZimbabwe Justice Network, VaTendai Ruben Mbofana, vatiwo havaoni zvizhinji zvichabatsira vanhu zvichaitwa nehurumende yaVaMnangagwa.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti, kuti zvinhu zvifambe munyika, VaMnangagwa vanofanira gudzirisa nyaya dzematongerwo enyika idzo dzisina kumira zvakanaka pari zvino.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour Economic Development Reaserch Institute of Zimbabwe, Dr Prosper Chitambara, vatiwo pane matambudziko akawanda anoda kugadziriswa hupfumi husati hwagadzikana.

Vakafanobata chigaro chasachigaro wesangano rinomirira vakarwa hondo yerusununguko reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaEthan Matibela, vaudza Studio 7 kuti tariro yavo ndeye kuti hurumende ichanzwa pfungwa dzemunhu wese kusanganisira varwi vehondo yerusununguko.

VaMnangagwa, avo vava nemakore makumi masere nerimwe chete ekuberekwa, vanoti vanoda kuti nyika ikwanise kuzadzikisa muono wayo pasi pechirongwa chavo cheVision 2030.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG