Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Oshaya Humbowo Hwekuroverera Muzvare Kademaunga


Muzvare Maureen Kademaunga
Muzvare Maureen Kademaunga

Mumiririr weSunningdale mudare reparamende achangobva kutora mhiko ari webato reCitizens Coalition for Change Muzvare Maureen Kademaunga vakasungwa nezuro vachipomera mhosva yekuda kuponda mutsigiri weZanu-PF vasungunurwa nhasi sezvo muchuchusi mukuru wehurumende ati hapana humbowo hwakakwana.

Muzvare Kademaunga vakasungwa pamwe chete nakanzura weCward 10 vari nhengo yeTripple C VaClayd Mashozhera uye VaDaudi Jessub.

Gweta raMuzvare Kademaunga VaHarrison Nkomo vaudza Studio 7 kuti muchuchusi mukuru wehurumende VaAhmed Ebrahim vati hapana humbowo hwekuvaroverera nekudaro havana kana kutozombomiswa pamberi pedare ramejastiriti.

Vachitaurawo mushure mekuburitswa muhusungwa, Muzvare Kademaunga vati mutemo wenyika unotarisa kuti wabuda mumba maani.

Vatiwo vari kushushikana nenyaya yekuti vanhu vanosungwa nyaya dzisati dzaferefetwa.

Nyaya yaVaMashozhera iri kuenderera mberi sezvo vachuchusi vachiti pane vafakazi vakavaona vachipara mhosva. VaJessub, vakasungwa nemusi weChishanu vakatomiswa pamberi pedare uye dare rinotarisirwa kupa mutongo waro mangwana pachikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba.

Vachitaurawo nezvenyaya iyi, mukuru wesangano reHeal Zimbabwe Trust, VaRashid Mahiya, avo vange vari mudare nhasi vachinzwa nyaya iyi vaudza Studio 7 kuti vanoshushikanawo zvikuru nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Mutauriri weCCC, VaPromise Mkwananzi avo vanoti vari muhupoteri sezvo vachityira kupambwa asi vachitsvagwa nemapurisa, vanoti vanoshushikana zvikururu nekusungwa kwenhengo dzebato ravo dzakaita saMuzvare Kademaunga vachiti zviri pachena kuti vari kushungurudzwa nenyaya dzematongerwo enyika.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaMarufu Mandevere vaudza Studio 7 kuti kusungwa kwaMuzvare Kademaunga pamwe nekusungwa kwakambotwa mumiriri weHarare West mudare reparamende Muzvare Joana Mamombe nevamwe vavo Muzvare Cecilia Chimbiri naNetsi Marowa vakazowanikwa vasina mhosva kunoita kuti madzimai asade kupinda munyaya dzematongerwo enyika.

Asi mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti mapurisa anobvumidzwa kuita basa rawo uye kana pasina nyaya munhu anongoburitswa sezvaitwa muzvare Kademaunga.

Imwe nhengo yebato reCCC VaJob Sikhala mangwana vanenge vasvitsa mwedzi gumi nemishanu vari muhusungwa sezvo vakanyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vakaburitsa mashoko kuvatori venhau kuti vari kushushikana nekusungwa sungwa kwevanopikisa hurumende.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika anoti ari kushushikanawo nekusasungwa kwevanhu vakapamba nekuita kafiramberi nhengo dzeCCC.

Nhengo idzi kusanganisira kanzura weWard 26 kuGlen Norah VaWomberaiishe Nhende dzakapambwa muHarare nevanofungidzirwa kuti vasori dzikasiya dzakandwa musango kuMapinga, mudunhu reMashonaland West.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG