Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vomanikidzwa Kusiisa Basa Mamwe Makurukota Avange Vadoma


Munyori mukuru mubazi rezvemitemo Muzvare Virginia Mabhiza vanoti zvekushora mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vainge vambodoma makurukota akawandisa asina kusarudzwa nevanhu (non-constituency Mps) pane vanosungirwa nebumbiro remitemo hazvina nematuro ose sezvo vasina kutoreswa mhiko.

VaMnangagwa kunyangwe vaifanira kutoresa mhiko makurukota manomwe chete vasina kusarudzwa nevanhu vakadoma vapfumbamwe.

Asi vakazoregedza kutoresa mhiko Amai Nokuthula Matsikinyere vainge vaitwa gurukota redunhu reManicaland naVaJohn Paradza vainge vaitwa mutevedzeri wegurukota rezvemamiriro ekunze.

Basa raAmai Matsikirinye rakazotorwa negweta VaMisheck Mugadza vakakunda kuMutasa South.

VaParadza vari kumiririra Zanu-PF musarudzo dzekuGutu West dzisina kuitwa musi wa23 Nyamavhuvhu sezvo imwe nhengo yaikwikwidza musarudzo idzi VaChristopher Mutonho vakashaya mutsaona yemumugwagwa zuva resarudzo risati rasvika.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vati VaMnangagwa wegweta vanofanira kuziva zviri mubumbiro remutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG